Uncategorized

Kufunga kusara waunyana

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

NDAKAMBOTAURA nezvevanhu vanofunga zvekuti vanopedzisira vapfungaira hutsi nekuda kwekufunga. Asi kana vafunga zvekusvika vapwa sechidzivamudingwi, hapana hove dzinowanikwa mumadhaka epfungwa dzavo, asi matatya nehozhwa.

Kufunga ikoko kunobika mazondo akaibva.

Mazuva ano tazara nekufunga, uye nekutya. Zvinotityisa zviri kuramba zvichiwanda. Tinotya matsotsi, kushaya anotiroora, kupihwa HIV, kudzingwa basa nekurambwa, tinotya kufirwa nemunhu watinodisisa.

Vamwe ndivo vanotya kuti mapikicha nemavhidhiyo avakambotorwa kare vachadanana nemunhu wavakazorambana naye achangozonyuka. Tinotya zvinhu zvakawanda, kusanganisira nezvatisingazive.

Asi ukatsvaga kunobva kunetseka kana kufungisisa, uchaona kuti hapana chimwe, asi kuti ipfungwa dzakapesana, kana kuti kusaisa pfungwa pachinhu.

Rimwe izwi rinoreva kufunganya kana kufungisisa muDuramazwi rechiShona rinoti “bandika.” Saka kufungisisa kudyika, kusakara kana kukuvarira mukati. Kufungisisa kune chekuita nekufunga zvakapfurikidza mwero pamusoro pezvinhu zvese, zvisinei nekuti zvinhu izvozvo zvauri kufungisisa nezvazvo zvinogona kuitika kana kusaitika.

Asi kutaurirana chokwadi, kunetseka masese epfungwa dzisina basa ari kutenderera muchigubhu chekutya nekupererwa. Saka kana kufungisisa kuchitenderera semasese ari kukuchukudzwa, zvinoreva kuti tinofanira kuve nechinhu chisingazungunuke, chisiri patiri chatinoisa pfungwa dzedu netariro kuti tirege kunetseka.

Nyangwe muBhaibheri chaimo, Jesu akatiyambira kuti tisafunganya. Chikonzero chacho ndechekuti kufungisisa kunoita kuti titadze kuita zvinhu zvatinofanira kuita nemwoyo yedu yese panguva yatinofanira kuzviita.

Ndipo paye paunoona munhu ave kuvhara poto nechivharo chepachigubhu chemafuta.

Ndipo paye pekuti munhu anodhiraivha mota kubva kuMasvingo kusvika muHarare, asi ukamubvunza kuti afamba sei munzira anotadza kukuudza nekuti anenge afamba akaputirwa sefodya yechimonera.

Chimwe zvakare chinoitika ndechekuti kana tikasavhara musiwo wekufungisisa nekunetseka, kutya kunobva kwapindawo nevazukuru nevana vako zvekuti unosara wave serenga.

Mumwe mufundisi akati, “Hatirarame munyika inoshanda sewachi; hatirarame munyika yemasanga nechanzi; tinorarama munyika inotongwa naMwari anobatsira. Saka tinofanirwa kuisa pfungwa dzedu kuzvinhu zvinobatsira.”

Tinokwanisa sei kuisa pfungwa dzedu pazvinhu zvinotibatsira? Tinokwanisa chete kuita izvi kana tikavimba naMwari kwete kuvimba nepfungwa dzedu nekutya. Kuvimba naMwari kunotaura kuti handigone, imi Mwari ndimi munogona. Uyewo ngatizive kuti panyika pano pakadarika nevakawanda.

Asi hupenyu huno hausi ihwo chaihwo zvekuti hatingazviuraye nekufungisisa pamusoro pahwo. Chimwewo zvakare ndechekuti tisazvitambudze nekutsvaga zvinhu – mari, dzimba, hembe – nekuti hatingade Mwari nezvinhu panguva imwe chete. Saka ngaticherechedze kuti pfuma yatiinayo ndiyo chaiyo here, uye kuti tiri kuichengetera munzvimbo yainofanirwa kuchengeterwa here, uye iri kuchengetwa nemunhu anofanirwa kuichengeta here.

Zvehupenyu zvinoda kuti tichenjerere. Mangwana anoda kurongerwa, asi mangwana wacho haasi wedu zvekuti tipedze nguva tichifunga kusvika tapfungaira.

Jesu haatibvumidze kuti tizvidye nekuzvibanda nepfungwa.

Jesu anoti hupenyu hausi zvekudya chete, kana zvinhu zvizhinji zvaunozvitsvagira nekuzviunganidzira. Kana Mwari vachichengeta nekuchengera zvinhu zvisina kunyanya kukosha semaruva esango neshiri – ko kuzoti iwe munhu wavakasika nemufananidzo wavo? Kana ukaramba uchirambira pakufungisisa uri kuti chii kuna Mwari anochengeta?

Kumwe kufunga kwatinoita kwave kuda kuti tigadzirise zvatinokoshesa. Tinokoshesa pfungwa dzedu here kana kuti Mwari? Mwari vanoti “Tangai matsvaga hushe hwaMwari nekururama kutanga.”

Ngatisakanganwa kuti hatina kuzvisika. Tinogona kutadzira Mwari nekuda kwekufungisisa zvekusara taunyana zvekuti kutwasanuka kwedu kunenge kwave kuda ivo Mwari chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey