Uncategorized

‘Kugara mumigwagwa handi kuda’

21 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
‘Kugara mumigwagwa handi kuda’ Memory Mpofu

Kwayedza

Phillipa Chinhoi-Mukome

VANHUKADZI vanorarama mumigwagwa vanoti vari kusangana nematambudziko makukutu ayo anosanganisira kushaya zvekushandisa panguva yavanenge vachitevera, izvo zvinoisa utano hwavo panyatwa yekubatwa nezvirwere zvakaita segomarara remuchibereko.

Kwayedza svondo rapera yakatenderera muguta reHarare ndokuita hurukuro nevamwe vevanhukadzi ava.

Memory Mpofu (29) anoti akabva kuBuhera achinotsvaga sekuru vake hanzvadzi yaamai wake pamwe chete nekutsvaka basa remumba asi paakasvika muHarare, aisaviva kunogara sekuru vake ndokugumisira ogara mumigwagwa.

Kuti asvike muHarare, Memory akatokumbira makondakita emabhazi kuti vamukwidze achiti zvizhinji aizozvionera mberi secho achiti aitiza kutambura kumusha kwavo.

“Vabereki vangu vaitisiya tichiri vadiki vachienda Joni (South Africa). Ipapo inini ndainge ndiine makore 12 okuberekwa uye hanzvadzi yangu Tinashe aine makore 15. Tairarama nekusukira vanhu ndiro, kutsvaira dzimba nekudiridza magadheni.

“Nekuoma kwezvinhu, vanhu vakange vasisakwanisi kutipa mabasa aya nokudaro Tinashe akabva angosiendawo nenyika achiti ave kunoita zvechikorokoza, ini ndokusara ndega pamusha,” anodaro.

Memory anoti paaive achiri kumusha kwavo, airarama nekudya sadza rine munyu kana sadza nematomatisi chete, ayo avainge vaiitira marikicho.

Dambudziko guru raari kusangana naro mumugwagwa anoti nderekushaya zvokushandisa kana achinge ave panguva yekutevera uye mbatya dzake dzave kutopera achingodimbura micheka yekuti ashandise.

Anoshuvirawo kuti dai Hurumende nemamwe masangano abatsirawo vanhukadzi nekuvapa zvekushandisa panguva yekutevera pachena sekupihwawo kunoitwa vanhu makondomu.

“Kurarama mumigwagwa hakusi kuda kwangu, asi kuti nhamo nematambudziko, kushaya pekutangira chaipo, ndizvo zvakandituma,” anodaro.

Anoti sevanhu vanorarama mumigwagwa, vari kusanganawo nematambudziko akadai sekushaya pekurara nekugezera muviri.

“Tinogezera muviri murwizi Mukuvisi, tichirara munjaji. Asi kana pakaitawo vane mwoyochena, vanotibatsira nechekudya nesipo. Vane tsiye nyoro ivava vava vashoma nepamusaka pekudhura kuri kuita zvinhu munyika.”

Memory anoti vanhukadzi vanorarama mumigwagwa vari panyatwa yekubatwa chibharo.

Anotizve shuviro yake ndeyekuti kudai awaniswa mari yekutanga bhindauko rekuhodha zvinhu achitengesa.

Zvichakadai, kune mamwe masangano akazvimirira anobatsira vanhu vanorarama mumigwagwa kuburikidza nezvekudya nezvimwe zvakasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey