Uncategorized

Kugochera Mwari braai pai?

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

JEE ijee zvaro, asi dzihwa harigochwe! Kana Mwari vakauya kumba kwangu, handifunge kuti ndingavape sadza nenyama. Imba yangu, poto nendiro dzangu, mvura yekanzuru nezvese zvandiinazvo hazvina kukodzera kuti ndizvishandisire Mwari.

Mwari vanoyera. Pavakataura neVaIsraeri, vanhu vakadedera vakati kuna Moses, “Iwe chitaura hako nesu tinzwe, asi Mwari ngavarege kutaura nesu, tirege kufa.”

Kana Isaya paakaona Mwari, akapotsa afa nekungovaona chete! Saka kana Mwari vakandishanyira kweawa imwe chete yega, awa imwe iyoyo, inguva yekuti zvinhu zvese zvimbomira – nekuti nyangwe kufunga kwepfungwa dzako kunotomboputika sechibharuma.

Zakaria haana kuona Mwari, asi akaona mutumwa. Asi kuona mutumwa ikoko kwakamuvhiringidza kukamuzadza nekutya. Kana kudenga vatumwa vachiwira pasi vachirumbidza Mwari, ko kuzoti Mwari pachavo vakashanyira munhuwo zvake?

Vakomana, tiri kutaura Mwari, kwete vatungamiri venyika kana maprophets enyu amunonamata. Mwari havatarisike sevhidhiyo yaunoona pafoni wobva wati forward.

Unoziva here kuti nyangwe Gideon paakashanyirwa nemutumwa waMwari akamubikira zvekudya, mutumwa haana kudya, asi akagumha chikafu nemuromo wetsvimbo yake pakabuda moto wakadya nyama, chingwa nemuto?

Nyangwe Gideon paakazoziva kuti akanga aona mutumwa waMwari, akasakara kuita mvemve chairo nekutya. Akachema sezvakaita Isaya paakaona Mwari. Isaya akati, “Ndapera basa, ndaparara nekuti maziso angu aona Mwari.”

Kana naGideon akanzwa mabhaudhi ese emuviri kusununguka akafunga kuti ave kufa. Mwari ndivo vakazomusimbisa vakati, “Rugare ngaruve newe, usatya, haufe.”

Hama dzangu kuona Mwari kunotyisa. Pane mumwe mambo asina kuona Mwari, asi akangoona chanza cheruoko chichinyora pamadziro. Bhaibheri rinotsanangura zvakaitika kuna mambo iyeye richiti, “Ipapo chiso chamambo chakashanduka maari, pfungwa dzake dzikatambudzwa, zvipfundo zvechiuno chake zvikasununguka, mabvi ake akarovana.”

Mabhaudhi echiuno kukumuka nekuona ruoko rwaMwari chete! Mambo iyeye akafa husiku ihwohwo.

Nyangwe muBhaibheri chaimo, Mwari havangoonekwa zvekumhanya. Kuna Moses vakataura vari moto uri mugwenzi. Moses chaiye Mwari vakamuyambira kuti, “Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu angandiona akazorarama . . . Zvino kana kubwinya kwangu kwopfuura, ndichakupinza mumukana webwe, ndigokufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura. Ipapo ndichabvisa ruoko rwangu, ugondiona necheshure, asi chiso changu hachionekwi.”

Jesu chaiye imwe nguva amanikidzwa nevadzidzi vake kuti adye, asi iye ari pabasa rehushe hwedenga akati, “Ini ndine zvokudya, zvandinodya, zvamusingazivi.”

Zviri pachena kuti denga kana raburuka panyika, pane zvakakoshesesa zvinenge zvariburutsa. Denga hariuye pasi kuzodya sadza nenyama yakagochwa nekuti, “Hushe hwedenga hausi zvekudya kana zvekunwa, asi kururama, norugare nomufaro muMweya Mutsvene.”

Kwandiri awa imwe chete naMwari inguva yekuti nditi, “Mwari handikusiyei kusvika mandiropafadza, mandidzidzisa, mandirongera, ndakubvunzai, manditsanangurira, mandibatsira, mandisimbisa.”

Awa imwe chete naMwari inguva yekugara pasi saMaria paye paakashanyirwa naJesu kumba kwaaigara nasisi vake Martha. Maria akaziva kuti mashoko aJesu akakosha kudarika kufuraya, kusuka kana kutsvaira mumba kuti muchene.

Mwari kudya sadza nenyama yakagochwa? Hameno, pamwe zvakaitika. Asi sezvandakambotaura, ndinotya Mwari uye handidi kutamba nevanhu vanotamba naMwari.

Kana Mwari vakauya, kunyanya kana vakauya kweawa imwe chete chete, havangafambire kuzodya nyama – nekuti nyika nekuzara kwayo ndeyavo.

Mwari havangafambire braai, kunyanya kana paine mashoko akakosha avanofanira kutaura. Asi pakashanyirwa Madungwe taive tisipo, saka tinongosiira nyaya iyi kwaari naMwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey