Uncategorized

Kuipa kwemhirizhonga mumabasa

05 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Kuipa kwemhirizhonga mumabasa

Kwayedza

Munashe Dondo

MHIRIZHONGA yakarerekera kunyaya dzebonde (sexual harassment) inodzikisira munhu hunhu nechimiro chake uye haitambirwi zvachose neanenge achizviitirwa kusanganisira makambani kana kuti vashandirwi.

Sangano reInternational Labour Organisation (ILO) rinoti mhirizhonga dzerudzi urwu dzinogona kuuya nenzira dzakadai sekubata-bata munhu muviri wake pasina kuwirirana, kutaura mashoko ari maringe nechirimiro chemuviri wake, kutarisa kana kufona, kana kuridza muridzo zvese zvakarerekera kunyaya dzebonde.

Chikamu chebumbiro remutemo cheSection 14 chinotsigira nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevarume nemadzimai uye Hurumende inozvitsigira zvakare.

Zvisinei nekuda kwenyaya dzemhirizhonga uye kusaenzaniswa kwemikana uye rusarura, madzimai anowanikwa achidzikisirwa kunyanya. Kumbunyikidza nenzira yakarerekera kubonde kunokanganisa mashandiro emunhu pabasa uye zvinogona kunge zvichiitika kamwe chete kana kuramba zvichidzokororwa. Zvinoshungurudza mupfungwa nepanyama.

Imhosva huru kushungurudza munhu nenzira yebonde pamabasa nekuti kunoita kuti mushandi awanikwe achizvidzikisira.

Kumbunyikidzwa nenzira yebonde kunoita kuti munhu akundikane kubudirira muzvinangwa zvake zveupenyu pabasa.

Vamwe vashandi vanogumisira vasiya mabasa zvichitevera kumbunyikidzwa uku. Vamwe vanonotsvaka mabasa kumwe asi vamwewo vanobva vangotya kuzoatsvaka nekusada kuramba vachisangana nenyaya dzimwe chetedzo.

Bumbiro remutemo weZimbabwe rinoti, Hurumende nemakambani ose kana aye akazvimiririra vanofanira kurwira kuchengetedzwa kwemabasa nekubvisa zvese zvinoita kuti vashandi vakundikane kushanda vakasununguka kusanganisira chengetedzo yevanhu vakaremara uye kuti madzimai ange achiwaniswa kodzero dzavo dzakakwana nekupedza nyaya dzekumbuyikidzwa kwevashandi nenzira yakarerekera kubonde pamabasa.

Ibasa revashandirwi vose kuona kuti nzvimbo dzinoshandirwa hadzina matambudziko ekushungurudzwa kwevashandi nenzira yebonde.

Kuti zvese izvi zvibudirire, vashandirwi vanofanira kutevedza mitemo iri maringe nekurwisa nyaya dzemhirizhonga mumabasa.

Vashandi vese zvisinei nekuti madzimai here kana kuti varume kana mazera avo, vane kodzero yekuona kuti nzvimbo dzavanoshandira dzakachengetedzeka kubva panyaya dzekumbunyikidzwa.

*Tumirai mhinduro dzenyu padandemutande rinoti [email protected] kana kuchaya nhare panhamba dzinoti +263782 900 900/+263776 673 873.

Munogona zvakare kuridza nhare panhamba yeToll free inoti 08080131 kana landline +263242 708491/+2630242 706676.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vasiyane nekatsika kekuungana, vapfeke mamasiki nekugeza maoko nesipo nemvura yakachena kuti vakwanise kudzivirira hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey