Uncategorized

Kune varwere vemanyoka: Dr Moyo

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

CHAMANGWIZA weChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti kune vanhu vakawanda vari kuenda vachinorapwa zvirwere zvemanyoka kuchipatara chavo uye izvi zvinogona kunge zviri kukonzerwa nekushaikwa kwemvura yakachena muguta iri.

“Chirwere chemanyoka chiriko, chiri kunyanya kubata vana. Semaonero edu, chiri kunyanya kukonzerwa nekushaikwa kwemvura yakachena nekuti kuno kuChitungwiza iri kuuya kamwe chete kana kaviri pasvondo. Nharaunda kana dzikashaya mvura yakachena zvirwere zvemanyoka zvinonyuka.

“Varwere vatiri kuona kuno vane manyoka akanyanya (acute diarrhoea) asi machiremba ari kuvabatsira uye hapana ndufu dzati dzaveko pachipatara chino kunze kwekunge vanhu vari kufira mudzimba tisina kuziviswa nezvavo,” vanodaro Dr Moyo.

Vanoti vamwe varwere vanogona kunge vari kurarama neutachiona hweHIV, saka vanorwara nemanyoka sezvo miviri yavo ichikasika kubatira zvimwe zvirwere zvinongonyuka.

Dr Moyo vanokurudzira veruzhinji kuti vachengetedze utano munharaunda dzavo pamwe nekufashaidza mvura yekunwa senzira yekurwisa zvirwere zvemanyoka.

“Kana vanhu vachinge vaona kuti pane munhu arwara nemanyoka, vanofanira kukasika kuenda naye kuchipatara asati anyaya kurasikirwa nemvura mumuviri. Tinokurudzira zvakare kuti muchiri kumba, mufashaidze mvura ine munyu neshuga mopa murwere iyo yaanonwa achiuya kuchipatara kuti abatsirikane. Pamusoro paizvozvo, vanhu ngavadye chikafu chichiri kupisa uye marara araswe kana kupiswa nekuti anokoka nhunzi.”

Dr Moyo vanoti vachiri kuita ongororo yehuwandu hwevarwere vari kuenda kuchipatara chavo nedambudziko remanyoka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey