Uncategorized

Kunonokerwa nekudiwa nekuroorwa

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

SEI vakadzi nevanasikana vari kupiswa nemoto vachinzi pururudzai kuti muri kutsva? Sei vachipinzwa muGehena mune rufu, rima nenyoka mavanobatwa chibharo nemaporofita?

Sei vakadzi nevanasikana vachibvuma kuudzwa kuti vasarwadziwe kana kuchema kana vachinge vadamburwa nemakava nemapere? Inga wani ukatemha mango kubva mumuti inochema?

Sei muZimbabwe muno tiri kuverenga nekunzwa nyaya dzevaroyi vari kubhinya nekuita minamato yerima asi isu toramba tichienda mumasowe avo?

Sei vasikana nevakadzi vachienda kunoshandirwa vari vega, pasina kana mumwe munhu? Sei vachibvuma tsananguro dzakapusa dzekuti dhimoni riri mubra kana kusikarudzi yavo, uye rinobviswa neruwoko rwemuporofita? Dhimoni rinobatika kunge bhanzi here?

Sei, sei, sei? Sei vakadzi nevasikana vachibvuma kuitirwa minamato kuseri kwemakwenzi nematombo? Sei, sei, sei vakadzi vachifamba vachitevedza mapani ane maporofita anoswera achiporofita nekutaura nendimi dzinoitisa dzungu? Sei vakadzi nevasikana vachibvuma kuitirwa minamato inonzi vatange vabvisa hembe?

Pane zvinhu zvinonhuhwa kuora zvekutorutsisa zviri kubvumwa nevakadzi nevasikana kuti minamato. Asi minamato yaMwari haina tsvina, rima nechisimba kunge John Cena naBatista vari kurwa.

Handisi mupurisa wezvinoita vanhu. Zviri kwauri kuenda kwaunoda kuenda, nekunoitiswa kana kuitirwa zvaunoda kuitirwa. Asi chinondirwadza ivhangeri ramunozofamba muchiparidza kuti – “uko kune muporofita anogona.” Vazhinji hamubvunze kuti anogona chii, asi chenyu kungomhanyirako mozovhunduka mave kuzorwa majarini nekudyiwa sechingwa.

Inguva zhinji dzandinonzwa mwoyo uchimonywa kunge chikorobho chiri kusvinwa nekuda kwenyaya dzakafanana neyemusikana akabuda muKwayedza svondo rakapera. Musikana uyu paasvika iko zvino panogona kumuita kuti apenge. Akaenda kumuporofita achida kunobatsirwa, asi muporofita akamupa tsananguro dzekuti pane zvinhu zvaaifanira kubviswa zvaimupa munyama.

Muporofita akamuti abvise hembe kuti amushandire, iye akabvuma achibva abatwa chibharo. Anoti paakada kurwisa, muporofita akaridza muridzo kukabuda nyoka mbiri dzikauya dzikamira dzakasimudza misoro dzichishinyira. Iko zvino mwana atambura nekufambwa nezvinhu zvaasingaone.

Chasara chii chisati chaitwa nemaporofita aya? Kubvisisa vakadzi hembe, kutyisidzira, kubata chibharo, kudyisa vanhu nyoka, makonzo, vhudzi, huswa nezvimwe zvinhu zvisingamedzeke! Nhasi uno, vanhu vazhinji havachakahadzika vakanzwa kuti muporofita anoshandisa ivhu, dota, machira, mazai, nzara, mate, weti, sauti, mhiripiri, mbiya, hari, ropa, mukaka, zvipfeko zvakasviba . . . Zvinhu zvacho haungazvipedze.

Kubata chibharo kwave mhando yemunamato. Mafuta ekubikisa ave minamato. Asi kana mafuta ave munamato, hutsvene huri mumafuta here kana kuti ndehwaMwari?

Kufambira mumwe munhu anonzi ane simba munzvimbo yekunamatira hakusi kunamata Mwari, asi kunamata munhu. Dambudziko redu mazuva ano nderekuti tave kunonokerwa nezvinhu zvese. Tave kunonokerwa nekudiwa, nekuroorwa, nekuita vana, nekuwana basa.

Asika, kushaya chinhu chakakosha murwendo rwehupenyu. Kana ukawana zvese zvinodiwa nemwoyo wako paunozvidira, nyika ino ingave nyika here?

Tiri kugara munyika imwe chete here nhai hama dzangu kana tichifanana nehove dzisingadzidze kuti dzapera nechirauro? Kubvuma kutyisidzirwa kuti urege kutaura kana uchinge wabatwa chibharo kana kuitiswa zvimwe zvinhu zvausingade nemuporofita hakubatsire. Unogona kufunga kuti ukanyarara zvawakaitwa zvichangonyararawo, asi kwete, uri munhu hausi dombo.

Kuchengeta zvakaora kunoitwa negomba remarara, chimbuzi necompost, kwete munhu. Vanhukadzi kana mabatwa chibharo, kana mukatyisidzirwa nenyoka kana nerufu, hamuna wamunobatsira kana mukasataura zvichangoitika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey