‘Kurorerwa imhosva here?’

06 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati anogara achirohwa nevanamukurungai vake, kwakaroora mwanakomana wake, nechikonzero chekuti mwana wake murombo sezvo achinzi akangobvisa tsvakiraikuno chete.

Priscilla Simango akamhan’arira Eria Makono naViola Makono kuHarare Civil Court achiti vari kumushungurudza. “Changamire wangu, ndashaiswa rugare nevaviri vamunoona vamire apa ava. Handizive kuti kuroora kwakaita mwanakomana wangu mwana wavo akatadzei.

“Vanouya kumba kwangu vachindituka nekundirova pamberi pevana zvisina mukare akamboona,” akadaro Simango.

Akati Priscilla naEria vanoenda pamusha pake vopinda mumba zvisina mvumo votanga kumurikita.

“Vanongouya vachisvikopinda mumba mangu vasina mvumo yangu saka ndapotera kuno kudare kuti ndidzivirirwe nekuti havadi kuti mwanakomana wangu agare nemwana wavo nekuti vanomuti murombo,” akadaro Simamgo.

Achipawo dzivi rake, Eria akati zvose zvaitaurwa naSimango manyepo. “Zviri kutaurwa namai ava inhema, ini ndiri kutoshamiswa kuvaona vamire pamberi pedare vachiti ndinopinda mumba mavo zvisina mvumo yavo,” akadaro Eria.

Viola akapokanawo nechikumbiro chaSimango chegwaro redziviriro achiti haamushungurudze.

“Ndinopokana nechikumbiro chake chekuti adzivirirwe. Mwanakomana wavo akauya netsvakiraikuno ye$20 mushure memakore akati wandei uye kuchirudzi chedu mari iyi inofanirwa kuiswa mundiro saka takamuti paida $60 yendiro akati mataura mari yakawanda. Zvekuti ndakati mwana wavo murombo kunyepa chaiko. “Mukuwasha wangu ndiye anotouya achiparadza midziyo yangu. Izvozvi akatoparadza marata emba yangu,” akadaro Viola.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Simango gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey