Uncategorized

Kurwa shanje iwe wafa

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Kurwa shanje iwe wafa Nhamo Mafaza

Kwayedza

Unoda kuti mukadzi kana murume wako atsvage mumwe mudiwa here?

Kingstone Mapupu, Ashley Muchamiri naTatenda Shuro
VANOTAURA vanoti ramangwana rinoda kurongerwa. Naizvozvo hapana chakaipa kuti vanababa navanamai mudzimba umo vagare varonga zvavanoda kuti zvitwe kana ivo vafa.

Izvi zvinobva zvaunza mubvunzo unoti murume kana kuti mukadzi paanenge azofa anoda here kuti mudikani wake asare achizotorwa nemumwe munhu, achipinda muwanano itsva? Kana asingade, zvoreva kuti acharwa shanje ari muguva? Ko vana vanotiwo kudii?

Kwayedza svondo rino inoita tsvakurudzo pamusoro penyaya iyi ndokunzwa zvinokunda ngoma kurira.

Tito Shumba Nyamweda (48) wekuMhondoro anoti rufu murairo waMwari uye kana iye afa, anoda kuti mudzimai wake abve pamba pake onoita zvaanoda ava kumusha kwake.

“Kana ndafa, mudzimai wangu asunungurwa. Hama dzangu dzikangondirova guva, iye otsvaga zvake zvikomba kana kuroorwa nemumwe murume asi kwete kuitira pamba pangu. Handidi kuona chimwe chimurume chinosvika pamba pangu chave kunzi baba nevana vangu, ndinomuka ngozi vakandiguta.

“Shuwa here kuwanikwa mubhedha wandakatenga ini wave kuitwa madiro nemumwe murume? Pachivanhu hazviite,” anodaro.

Anoti zvinokanganisa vana kuti amai vaunze zvikomba pamba.

“Tinoti kana varume vafa, hama dzevafi sunungurai madzimai nekurova makuva ehama dzenyu ivo voenda kwavanoda. Kana vada kugara, havafanirwe kuunza vamwe varume pamusha apa asi kuti kana voda kuroorwa vanofanirwa kubva pamusha wevaridzi,” anodaro.

Haana kunyatsobuda pachena kuti “musha wevaridzi” zvinorevei sezvo murume nemudzimai wake vachivaka musha pamwe chete.

Mariet Kesha (48) wekwaZvimba anotiwo kana murume afa, mukadzi ngaasare achichengeta vana, zvimwe chete nemurume kana afirwa nemudzimai, ngaasare achichengeta vana.

“Midziyo yangu inhaka yevana, haifanirwe kuzotorwa nemumwe murume kana chikomba. Handidi kuroorwa kana ndafirwa nekuti mazuva ano kune zvirwere,” anodaro.

Kuchitiwo VaShadreck Jasi (40) vekuMuzarabani vanoti kana vazofa, mudzimai wavo anoita sarudzo yake yekuita chikomba kana kuroorwa nemumwe murume.

“Kana ndafa, haana chekumirira ngaawanikwe zvake kana kuita zvikomba sarudzo iri kwaari. Dambudziko rinouya pakuzoti vamwe varume vanoda kuzotora midziyo nezvasiiwa nemufi vana vatasiya votambura, mudzimai kana ada izvozvo ngaabve pamba oenda kuvarume vaada,” vanodaro.

Easther Mubayiwa (37) wekuChiweshe anoti kana afirwa, hazvikwanisike kuti atsvage chikomba kana mumwe murume sezvo achiti kuita izvi kutadza kuremekedza vana.

“Mudzimai ukadaro vana chaivo vanogona kukurova mose nechikomba chako,” anodaro.

Fungai Marenga (42) wekuMbare anotiwo murume akafirwa nemukadzi haarambidzwe kuroora mumwe asi anofanirwa kusiya midziyo kuvana onogara nemudzimai wake mutsva kumwe.

“Vamwene vangu vakafa vave kugara nechikomba icho vakachata nacho imba yavo ikazotorwa nechikomba ichi ikatengeswa kuQueensdale. Izvozvi vana vavo havana pekugara saka munhu zvigarire kana murume afa,” vanodaro.

VaBlessed Gunyani (32) vekuChitungwiza vanoti mudzimai akashaika vanoendesa midziyo yake kumusha kwake vozoroora mumwe mukadzi.

“Ukaroora mumwe mudzimai akazoshandisa midziyo yemudzimai wako akafa zvinoita ngozi,” vanodaro.

Vanotizve kana baba vakafa, hazvikwanisike kuti amai vatsvage chikomba chinouya chichigara pamba pane mhuri.

“Hazviite kuti baba vangu vofa, amai voita chikomba chinouya pamba pedu. Ngavaende vanoitira tsvina dzavo kunze uko. Ndonzwika ini ndichiti kune rimwe zimurume baba ini ndichiziva kuti baba vangu vakafa?

“Ndinovatibura vose amai nechikomba chavo. Vanhu ivava vanoguma votishungurudza sevana pamusha kana kutorerwa dzimba nezvikomba izvozvo,” vanodaro.

Kuchitiwo Eurita Zhuakin (39) anoti baba kana vasara, ngavatore mumwe mukadzi vonogara naye kumwe, vosiira vana imba nemidziyo.

“Kana ndave kuda zvebonde, ndinoenda zvangu kulodge ndodzoka zvangu ndichidzvova rudo nekudaro vana vanoramba vachindikudza,” anodaro.

VaNhamo Mafaza (46) vekuMainway Meadows, muHarare, vanotiwo dambudziko rinoitika kana paine vana nekuti vanozotambudzwa nechikomba kana murume anezenge ave kugara nemudzimai anenge asiiwa.

“Kana tisina vana zvakanaka kuti zvake aite mumwe murume, asi kana tiinavo hazvikwanisike,” vanodaro.

Kudzai Chiwandire (20) wekuBudiriro 2, muHarare, anoti haadi kuti amai vake varoorwe nemumwe murume kana baba vake vafa nekuti anoti mitemo inozowandisa.

“Handidi zvangu kuti amai varoorwe zvakare nemumwe murume nekuti maresponsibilities anozonetsa. Tinorambidzwa kuita zvatinoda,” anodaro.  Patience Tirivabaya (21) anoti haadi kuti amai vake varoorwe zvakare kana baba vake vafa nekuti vanozobatwa hunhapwa neanenge ave murume wavo mutsva.

“Apa ndipo panozotanga nyaya dzekubatwa chibharo kana isu tinotadza kuzoendeswa kuchikoro murume uyu ave kupinza vana vake chikoro, pamwe pacho nemari dzababa vedu,” anodaro. Panashe Masunga (12) anotiwo zvinonetsa kuti baba varoore mumwe mukadzi kana amai vake vafa achiti vanogona kutorerwa pfuma yababa vavo nemurume mutsva uyu.

. Tumirai maSMS epfungwa dzenyu panyaya ino panhare dzinoti 0714 200 007

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey