‘Kushayawo mwana handi kuda kwangu’

31 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Janet Chikotosa
MUKADZI wekuti akarambwa neaimbova murume wake nekuti haana mbereko akadunura mudare achiti kwakange kusiri kuda kwake kuti atadze kuita pamuviri.

Abigail Tonhodzai akamhan’arira Jimmy Mlauzi kuHarare Civil Court achiti anomushaisa rugare.

“Handina kumboziva kuti kutadza kuzvara vana kunoita kuti murume akakubvisira mari akuseme. Nemurume wangu takagara tose makore matatu taroorana. Hameno kuti zvakazobva nekupi, ndakazongonzwa oti ndakawana mumwe mukadzi anozvara iwe chibuda mumba mangu.

“Changamire wangu, muupenyu matiri kurarama pane mashoko asingaite kuudza munhu, anobaya moyo ekuti haufe wakakanganwa.

“Ndinoyambira kunyangwe vamwe varume vane vakadzi ngomwa kuti munhu haasekwe ari mupenyu nekuti remangwana hapana anoriziva.

“Chokwadi munhu angaroverwe kuti hauzvare? Ko kuronga ndekwangu here kana ndekwaJehovha? Kundidzinga kwaakaita handina kumboita nharo, ndakarongedza twangu ndikaenda kumba kwevabereki wangu. Upenyu hwatiri kurarama uhu hunorwadza changamire wangu,” akadaro Tonhodzai.

Mlauzi akaudza dare kuti akarambana naTonhodzai nekuti akange ave kuita zvezvikomba.

“Ndinopikisana nemashoko emukadzi wangu. Ndiri munhu wenyama ndinoziva kuti kuzvara kuronga kwaMwari. Handingasvike pakurwadzisa mukadzi wandakaroora kudaro.

“Chakaita kuti mukadzi wangu uyu abude mumba aidanana nasekuru vangu mwana wehanzvadzi yaamai vangu,” akadaro.

Akati Tonhodzai aitorojerwa imba nasekuru vake ava.

“Hembe dzake dzandakatengesa kwaive kurwadziwa changamire wangu, nokuti ndini ndanga ndakadzitenga. Kugara kwedu tose aimboti akaenda kuvabereki vake odzoka nguva nenguva ini ndisingazivi kuti rudo pakati pake nasekuru wangu rwakange rwototsva.

“Mudzimai wangu akandibaya panyama nhete. Dai akadanana zvake nemutorwa kwete nasekuru vangu vaigarouya kumba. Ngaarege kufamba achiti ndakamudzinga, kukanganisa zita rangu ngaaudze dare chokwadi,” akadaro Mlauzi.

Mutongi Babra Mateko akapa Tonhodzai gwaro redziviriro akati vaviri ava vataurirane zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey