Uncategorized

‘Kushungurudza vakadzi bodo’

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
‘Kushungurudza vakadzi bodo’

Kwayedza

Daphne Machiri

VANHUKADZI vekuGwanda – avo vari kusangana nekushungurudzwa munyaya dzinosanganisira kumbunyikidzwa pabonde, kubatwa chibharo nemhirizhonga yemudzimba – vanotarisirwa kubatsirikana zvikuru zvichitevera kuparurwa kwakaitwa muzinda wakananga kuvayamura nguva pfupi yadarika.

Muzinda weOne Stop Center, uyo wakavakwa kuburikidza nemushandirapamwe weHurumende nesangano reUnited Nations Population Fund, wakaparurwa zviri pamutemo negurukota rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, Cde Nyasha Chikwinya.

Vachitaura pachiitiko ichi, Cde Chikwinya vanoti mizinda yakadai yakakosha zvikuru sezvo ichibatsira vanhukadzi vanenge vachimbunyikidzwa nenzira dzakasiyana.

“Nzvimbo iyi ichange iine kiriniki ichabatsira nekukasika avo vanenge vasangana nematambudziko ekubhinywa uye kuchengeta vanenge vasina kwekuenda nekuvapa mazano ekuti vaenderere mberi neupenyu hwavo zvakanaka,” vanodaro Cde Chikwinya.

Vanoshoropodza varume vanobata vanhukadzi chibharo vachiti vanenge vabatwa nemhosva dzakadai vanofanira kurangwa nemutemo zvakaomarara.

“Vanhukadzi ndivo vari kunyanya kusangana nemhirizhonga mudzimba uye vanoda magweta anovamiririra kumatare,” vanodaro Cde Chikwinya.

Vanoti bazi ravo riri kushanda pamwe chete nerezveutano nekurerwa kwevana mukubatsira vanhukadzi nevana vanenge vasangana nematambudziko akaita sekumbunyikidzwa panyaya dzepabonde. “Ngatiregei kushungurudza vanhukadzi, abatwa ijeri,” vanodaro

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey