Uncategorized

Kushungurudzwa kwevana muCovid

25 Oct, 2021 - 17:10 0 Views
Kushungurudzwa  kwevana muCovid

Kwayedza

Abel Ndooka

KAMBANI yePower Giants Private Limited yakabatana nevaimbi kutsikisa dambarefu riri pamusoro pekurwisa kushungurudzwa kwevanasikana panguva ino apo nyika iri kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vaimbi vanosanganisira Minister Michael Mahendere, Suluman Chimbetu, Selmor Mtukudzi, Progress Chipfumo, Sandra Ndebele, Fungisai Zvakavapano-Mashavave vakabatana nekambani iyi muchirongwa cheUnited Against Girl Child Abuse izvo zvakaona vachitsikisa dambarefu rinonzi “Regai Dzive Shiri”.

VaEdzai Kachirekwa, avo vanova mukuru wePower Giants Private Limited, vanoti nyaya dzekumbunyikidzwa nekushungurudzwa kwevanasikana munyika muno dziri kuwanda panguva ino yekurwisa Covid-19.

Vanoti vakatora danho rekurwisa kushungurudzwa kwevanasikana uku kuburikidza nekuimba.

“Vanasikana vedu vakatikoshera zvikuru saka hatidi kuona vachimbunyikidzwa kana kushungurudzwa. Zvinosuwisa kuona kuti nyaya dzekumbunyikidzwa kwavo dziri kuwanda munyika panguva ino takatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19. Saka isu tinoda kuti zvipere, regai vana vakure.

“Ngativachengetedzei tivakudze murudo vagove vatungamiri vemangwana,” vanodaro VaKachirekwa.

Vanoti havasi kutarisira kuwana chimwe chinhu kubva padambarefu iri sezvo chishuwo chavo chiri chekuona vanasikana zvose nevanakomana vachibudirira muupenyu hwavo.

“Dambarefu iri chipo kunyika yedu, tinoda kuti vanasikana nevanakomana vakudzwe mune zvakanaka vakachengetedzwa nekuti ndivo vatungamiri vemangwana.

“Dambarefu iri rine nziyo dzechenjedzo kuruzhinji kuti ngatichengetedzei vana vedu tisavashungurudze nekuti tikavashungurudza tinenge tavauraira remangwana ravo,” vanodaro VaKachirekwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey