Uncategorized

kwakabva zita

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

MUZIMBABWE mune nzvimbo zhinji dzine mazita anoshamisa kana asingazivikanwe nevamwe kuti akabva kupi. Mamwe mazita anobva pazviitiko zvakaitika, mamwe achibva pamazita evanhu kana madzishe. Asi mamwe mazita haazivikanwe kuti akatanga sei. KwaMurehwa kune nzvimbo inonzi Zorizozo, kuMhondoro kune kunonzi kwaDhodhi uyewo kuZaka kune kunonzi kwaMuroyi. Kana ukatsvagisisa, uchaona kuti mazita ose aya ane kwaakabva, uye ane zvaanoreva.

Kwayedza iri kukoka imi vaverengi kuti mutinyorere muchitiudza zita renzvimbo yamunogara nekuti sei yakapihwa zita iroro. Semuenzaniso, Domboshava: Izita rinobva pamakomo ari kumabvazuva kwemisha yeZimbiru, ayo ane ruvara rwushava.

Tine shungu dzekuti vagari venzvimbo dzakaita seHarare, Hwedza, Bulawayo, Chivhu, Gokwe, Karoi, Hwange, Seke, Mutoko, Masvingo, Nyanga, Matuzviadonha, Mazowe, Mvuma, Mandidzudzure, Chipinga, Chinhoyi, Gandavaroyi, Gutu, Hurungwe, Sanyati, Chikomba, Mbare, Chikonohono, Marirangwe, Nyanyadzi, Zimunya, Nyazura, Kambuzuma, Sakubva, Mutungagore, Mabvuku, Hauna, Nyamhunga, Gadzema nedzimwe mutiudzewo kuti mazita enzvimbo dzenyu akavepo sei. Zvingafadza pakave nemufananidzo wenzvimbo yacho newemunyori wacho.

 

Tumirai tsananguro dzenyu makanyora kuti “KWAKABVA ZITA” ku: Kwayedza, PO Box 396, Harare. Email: [email protected] Munogona kusiya matsamba kumahofisi ose eZimpapers ari paHerald House muHarare, Chronicle House kuBulawayo, Manica Post kwaMutare, kuStar FM, kuGweru, kuMasvingo, kuChinhoyi, kuVictoria Falls, kana kuBeitbridge.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey