Kwava nemhando itsva yeCovid-19

17 Feb, 2021 - 17:02 0 Views
Kwava nemhando  itsva yeCovid-19 Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti kwave nemhando itsva yeCovid-19 iyo yakanyuka kuSouth Africa nguva yadarika uye inopararira nekukasika pamwe nekuuraya zvakanyanya, nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri muguta reHarare mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti veruzhinji havafanirwe kuvarairwa panyaya yekurwisa Covid-19.

Sen Mutsvangwa vanoti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira denda iri (vaccines) pachena chiri kutanga neChina chino apo vashandi 49 000 vezveutano nevamwe vari pamberi mukurwisa chirwere ichi vachatanga kubaiwa.

Nguva pfupi yadarika, Hurumende yakaita ongororo yekuda kuona kuti mhando itsva yeCovid-19 yakanyuka kuSouth Africa haisati yapinda muZimbabwe here.

“Cabinet inoda kuzivisa nyika kuti zvakabuda muongororo yakaitwa nguva pfupi yadarika zvinoratidza kuti mhando yeCovid-19 yaive munyika muna2020 yadzikira.

“Kwave nemhando itsva yeCovid-19 yakanyuka kuSouth Africa nechikamu che61 percent iyo inopararira nekukasika nekuuraya zvakanyanya,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nekuda kwaizvozvo, nyika inofanirwa kungwarira zvikuru nekutevedzera matanho akatarwa ekurwisa Covid-19. Vabati vezvemutemo vakatoudzwa kuti vasimbaradze mabasa avo nekuona kuti veruzhinji vatevedzera zvinodiwa.”

Sen Mutsvangwa vanoti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 chichatanga nevashandi zvezveutano vanosvika 49 000 nevamwe vari pamberi panyaya yekurwisa kupararira kwedenda iri.

Izvi zvinotevera kusvika kwakaita majekiseni 200 000 emushonga weSinopharm vaccine nemusi weMuvhuro uyo wakapihwa nyika ino neChina.

Mamwe majekiseni 600 000 akatengwa neZimbabwe kuChina anotarisirwa kusvika muno munaKurume.

Mushure mekunge vashandi vezveutano nevamwe vari panjodzi yekubatira Covid-19 vabaiwa majekiseni aya, chirongwa ichi chichaenda padanho repiri apo vane zvirwere zvinoisa upenyu hwavo panjodzi nevane makore anodarika 60 vari ivo vachabaiwa.

Vanhu 10 miriyoni vanotarisirwa kubaiwa majekiseni aya uye mari yekutenga mushonga uyu iri kubva kuHurumende, makambani akazvimirira nekuvabatsiri.

“Mari inodiwa pasi pechirongwa ichi inosvika US$6,7 miriyoni. Vabatsiri vakawanda vanosanganisira hurumende yeIndia, China neRussia vari kutsigira chirongwa cheZimbabwe chekubaiwa kwemajekiseni ekudzivirira chirwere ichi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 35 315 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 30 979 vakatopona asi vamwe 1 414 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey