Uncategorized

‘kwayedza inotipa manyemwe’

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
‘kwayedza inotipa manyemwe’

Kwayedza

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinotenda bepanhau reKwayedza nebasa rariri kuita rekusimudzira mutauro weShona pamwe nekubatsira vana vechikoro muchidzidzo ichi kuti vagobudirire pabvunzo.

Vachitaura pakupihwa mibairo kuvana vakabva kuzvikoro zvakasiyana pamakwikwi eKwayedza ekunyora nhetembo, eDetembai Tinzwe, muHarare svondo rapera, mutevedzeri wemukuru wezvedzidzo muHarare, VaAbsalom Chinoona, vakati bazi ravo riri kufara nebasa riri kuitwa neKwayedza.

“Ndakamirira bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, ndinoti Kwayedza iri kuita basa guru mukusimudzira zvipo zvevana zvekunyora nhetembo. Bepanhau iri riri kupa vana mikana yekuratidza zvipo zvavo nekuvandudza vana kuti vagone kunyora chiShona chemandorokwati,” vakadaro VaChinoona.

“Ndinonzwa manyuku-nyuku nekuronga kuri kuita Kwayedza chirongwa chakadai nekuti chiri kuita kuti vana vape zvavanofunga maererano nekunyora nhetembo. Kwayedza ndiyo iri kupa vana, chero nevakuru, mutauro chaiwo wemandorokwati. Ukataura nemutauro wako chero kupi ndizvo zvinoita kuti uzivikanwe.”

Vachitaurawo vakamirira kanzuru yeZimbabwe School Examinations Council, Mai Gamuchirai Charumbira, vanoti rurimi rwamai rwunofanira kusimudzirwa nekuti mumutauro ndimo mune hunhu hwemunhu.

“Zvakakosha zviri kuitwa nebepanhau iri. Vabereki ndavasatorera vana hunhu hwavo. Munhu kuva munhu mutauro wake. Kana munhu asingagoni kutaura rurimi rwaamai vake haana hunhu nekuti chinonzi hunhu kugona kutaura mutauro wako.

“Kune tsvagurudzo yakaitwa zvikaonekwa kuti ndeye chokwadi, yekuti mwana akazvarwa akakwanisa kutaura mutauro waamai vake zvinomurerukira kuti azokwanisa kutaura mimwe mitauro.

“Vabereki dzidzisai vana kuziva mutauro wavo. Munhu asina mutauro wake akafanana nemuti usina mudzi nekuti hauna kwaunoenda. Ndinotendawo vadzidzisi vari kudzidzisa vana mutauro weShona nekuti zvinobatsira kuti pakunyora bvunzo zvivaitire nyore. Ndinokurudzira vabereki kuti vaverenge bepanhau iri pamwe chete nevana kuti vazive mutauro nemanyorerwo awo,” vakadaro.

Mupepeti weKwayedza Patrick Shamba akatsinhirawo mashoko aya vachiti bepanhau iri riripo pakusimudzira rurimi rwaamai.

“Isu sebepanhau tine chinangwa chekusimudzira dzidzo kuvana vechikoro. Bepanhau redu takariisa zvikamu zvinopa vana vechikoro kuti vaburitse pfungwa dzavo pamwe chete nehunyanzi hwavo. Tinongoti kuvabereki ngavarambe vachisimudzira vana vavo mudzidzo nezvipo zvavainazvo zvakafanana nekunyora nhetembo nezvimwewo,” akadaro Shamba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey