Uncategorized

Kwayedza yakatambirwa nezinyoka

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Kwayedza yakatambirwa nezinyoka Tariro Kamangira

Kwayedza

VATORI venhau veKwayedza nemusi weMugovera wadarika vakachiona apo vakatambirwa  nemukweshwa   wenyoka vachangosvika pamusha uri mubhuku  raGweshe, kwaMambo Chipuriro, kuGuruve, apo vaitsvaga nyaya yekuti musha uyu wapera kuparadzwa nechamupupuri nemoto zvinofungidzirwa kuti zvikwambo kana kuti zvidhoma.

Vatori venhau vanoti munyori uno, mutori wemifananidzo Tariro Kamangira nemutyairi Joram Muchina ndivo vakapinzwa “bhizi” nemusvesvenenga wenyoka apo vakasvika pamusha uyu.

Vatori venhau vachangotanga kuita basa ravo, vakazongoerekana voona mukweshwa wenyoka  isina vkuzivikanwa rudzi rwayo wave kuzvaranuka uchibuda mukati membatya dzakapiswa nemoto wemasaramusi uyu.

Joram Muchina

Joram Muchina

Nyoka iyi yakanorovera nemumakumbo aKamangira ndokupoya nemumateya ake.

Pakaitika izvi, nguva dzakange dzave kuma 12 masikati apo varidzi vepamusha uyu vanosanganisira amai vepo, Mai Fairesi Makore (60), mwanakomana wavo Tatenda Makore (23) nehanzvadzi dzake vaitsanangura kushungurudzwa kwavari kuitwa nemashiripiti aya.

Apo Kamangira aiva mubishi kutora mifananidzo yemidziyo nembatya dzakatsva ndipo pakabuda mukweshwa wenyoka uyu wakamunanga.

Tatenda ndiye akatanga kuona zinyoka iri ndokubva aikwetsura mhere yakavhundutsa vose vaivepo.

“Hokoyo iwe, Unorumwa nenyoka iyo hokoyo musikana! Tiza, ibva ipapo unorumwa!” Tatenda akashevedzera nezwi riri pamusoro achitiza.

Kamangira akambokanganwa zvebasa ndokurova bara achinomirira kunemba yakadhirika nekuda kwemashiripiti aya apo achifemuruka sendere radonha mumuti. Ipapo aichema.

“Yowe, amai kani! Aiwa mukoma Kingstone ndeipiko nyoka yacho? Handina kuiona, asi ndangopiringishwa nemumakumbo, irovei! Saka yaenda kupiko?” akadaro Kamangira achitadza kunyatsodzikama nekutya.  Uyuwo Muchina akarova bara akananga kwaiva nemotokari akanozvivharira mumotokari achisiya vamwe vake nevaridzi vepamusha kunze.

Kingstone Mapupu

Kingstone Mapupu

“Iwe Mapupu, ibvai ikoko. Nyoka iyi yakaipa ndaiona mutumba wena. Yasimudza musoro kaviri. Tariro aita raki angadai arumwa uyo.

“Ibvaiko mhani imi, munorumwa sei kuita nharo Mapupu?” akadaro  achishevedzera nepahwindo ari mumotokari.

Chatakaona bedzi ndechekuti nyoka iyi payakapinda nepakati pemakumbo aKamangira, yakangotsakatika nemumasora ari pedyo nemusha.

Tariro Kamangira

Tariro Kamangira

Tatenda naamai vake havana kukwanisa kutaura zvakawanda nekuda kwenyoka iyi sezvo vachiti zvakatovashamisawo kuti yakanga iri mukati mechivanze chavo, panze pavari kurara sezvo vasisina dzimba.

Hazvina kuzivikanwa kuti nyoka iyi inyokawo zvayo here kana kuti ine chekuita nemashura ari kuitika pamusha apa.

Kamangira haana kukwanisa kutora mufananidzo wenyoka iyi sebasa rake sezvo akange ave kutiza nehupenyu hwake.

Vatori venhau veKwayedza vanogara vachisangana nemashiripiti akasiyana mubasa ravo sezvo gore rapera vakatambirwa nezinyoka kwaMakumbe, kuDomboshava, apo vakaenda pamumwe musha paive nenyaya yemurume aizviti muSatanist achiti anonwa nekuyamwa ropa revanhu pamwe nekukonzera tsaona mumigwagwa. Nyoka iyi yakazouraiwa nemunyori uno uyo akazoyambirwa nevamwe kuti asiyane netsika yekungouraya nyoka dzaanenge aona pamisha yevanhu. Pane mumwe musha kwaMurehwa nguva yadarika, vatori venhau vakatambirwa nenyoka mbiri dzerudzi rwechiva idzo dzichirwa. Pamusha uyu paive nenyaya yengozi yemurume aida kuripwa.

Kunze kwaizvozvo, nguva pfupi yadarika zvakare, vatori venhau veKwayedza vakaperekedzwa nezvipoko husiku mumugwagwa weBhinya unobva kuNyamapanda uchienda kuRwenya kunosvika kwaFombe, kuNyanga, apo vaibva kumusha kwen’anga inoti inotengesera vanhu zvikwambo, Boroma Zefa Timanimoto.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey