Luton Town ‘dzave huku’

22 Sep, 2023 - 10:09 0 Views
Luton Town ‘dzave huku’ Marvelous Nakamba

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chaMarvelous Nakamba cheLuton Town hachisi kufambirwa zvakanaka mumwaka wacho wekutanga chapinda muEngland Premier League izvo zvachiona chichikundwa mitambo yese mina yachatamba.

Luton Town kusvika pari zvino yatamba mitambo mina uye ndokukundwa yese, 4-1 neBrighton n Hove, 3-0 neChelsea, 2-1 neWest Ham United uye 1-0 neFulham.

Nakamba akwanisa kutamba mitambo yese iyi asi ari kukundikana kubatsira chikwata chake kuti chiwane zvibodzwa zvekutanga zvemwaka uno.

Matambiro ari kuita Luton Town aya ari kutuma vaongorori vakasiyana venhabvu kunyika yeEngland kutaura kuti chikwata cheRob Edwards ichi chimwe chezvinogona kuburitswa muEPL pachapera mwaka wegore rino, hunge chikasashanda nesimba kuti chichitange kuwana zvibodzwa mumitambo yacho inotevera.

Pari zvino Luton Town yakagara pasi pelogo reEPL uye ndiyo yega isati yave nezvibodzwa. Chikwata ichi changokwanisa kunwisa kaviri chete asi icho ndokunwiswa ka10 mumitambo yese yachatamba.

Mumutambo weLuton Town uri kutevera, ichange iri pamusha payo kuKenilworth Road uko ichasangana neWolverhampton Wanderers nemusi weMugovera.

Zvakadaro, kuFrance mutambi wemaWarriors neStade de Reims – Marshall Munetsi – akatanga akagara pabhenji apo chikwata chake chakakundwa 2-1 pamusha pacho neBrest.

Marshall MUNETSI

Munetsi akazopinda mutambo uyu watambwa maminitsi 60 ndokutadza kubatsira chikwata chake kuti chiwane kana chibodzwa chimwe chete.

Pari zvino Reims yakagara pechipfumbamwe palogo reFrench Ligue 1 uye yawana zvibodzwa zvinomwe kubva pamitambo mishanu.

Kuchiti kuCyprus – Tendayi Darikwa – akanwisa apo chikwata chake cheApollon Limassol chakaita mangange 1-1 neAPOEL Nicosia.

Tendayi Darikwa

Mwaka uno, Apollon yatamba mitambo mina yeCypriot 1st Division uye Darikwa akwanisa kutamba yese.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey