Uncategorized

Mabhini mashoma: EMA

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Mabhini mashoma: EMA

Kwayedza

SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) rinoti mabhini mashoma zvikuru muguta reHarare kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevanhu izvo zvinoita kuti dambudziko rekurasirwa kwemarara pese-pese rikure.

Vachitaura svondo rapera pachirongwa chekumema nzvimbo dzakasiyana muguta reHarare, VaGilbert Mununzva, avo vanove senior officer kuEMA vanoti dzimwe nzvimbo dzakaita sekumigwagwa yaCameroon Street neKaguvi Street hakuna kana bhini rimwe chete zvisinei nekuti kune vemabhizimusi vakawanda variko.

“Mumigwagwa yedu yese mikuru inowanda vanhu iri minomwe muguta reHarare tine mabhini 173 pachinzvimbo che800 kureva kuti tine chikamu che24% chemabhini anove mashoma zvikuru. Asi hazvirevi izvo kuti kushaikwa kwemabhini uku ndiyo pasipoti yekuti vanhu varasire marara pese-pese.

“Anenge abatwa achirasira marara pasina kukodzera anobhadhara $5 asi kana vari vemakombi vasina mabhini mukati tinovabhadharisa faindi ye$20 nekuti ndizvo zvinozoita kuti vanhu vapedzisire vave kurasira marara panze nepamahwindo.

“Gore rakapera takasunga vanhu 621 muguta reHarare chete nemhosva dzekurasira marara pasina kukodzera uye gore rino kusvika pari zvino tasunga 141,” vanodaro VaMugunzva.

Vanoti kune vanenge vakazvipira mukubatsira nemabhini vanoona vakuru vekanzuru yeguta reHarare asi pasi pemutemo havatenderwi kuti vange vachiisa zvishambadzwa zvavo pamabhini iwayo.

“Mutemo wekanzuru hautenderi kuti vabatsiri vemabhini vange vachizvishambadza asi kuti vanogona bedzi kungonyora zita rekambani yavo. Kanzuru ndiyo ine ruzivo rwemhando dzemabhini ainoda nekuti kana akakurisa kuita madhiramu vanotakura marara, zvikuru madzimai, vanogona kukundikana kuasimudza,” vanodaro.

“Nyaya dzekuraswa kwemarara pese-pese dzinotangira kune vanogadzira zvakasiyana kuchitevera kuiswa kwemarara mumabhini nekuzotakurwa kwawo. Pazvinhu zvitatu izvi, kana vanhu vane chekuita nekugadzirwa kwemidziyo inokonzera marara vakasatora matanho ekuti marara iwayo ange achichengetedzwa, ndiwo mavambo edambudziko.

“Kuti marara asarasirwe pese-pese, panoda kuonekwa kuti mabhini acho arimo here mumaguta panzvimbo dzakakodzera sepamisuwo yezvitoro nepamakambani. Mushure nekuiswa kwemarara mumabhini, vekanzuru vanofanira kutakura marara iwayo asati apararira nekuda kwekuzarisa mumabhini,” vanodaro.

Mukumema kwakaita vatori venhau neveEMA munzvimbo dzakasiyana, zvakaonekwa kuti mamwe madhireni anofambisa mvura azere nemarara izvo zvinoita kuti kana yanaya itadze kufamba zvakanaka yopedzisira yazara mumigwagwa.

Munzvimbo yeMatapi, kuMbare, vamwe vanhu vari mudzimba dzemudurikidzwana vaitoonekwa vachipotsera marara nepamahwindo.

Mukushi wemashoko kukanzuru yeguta reHarare, VaMichael Chideme, havana kubatika panhare yavo kuti vapewo divi rwavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey