Uncategorized

MABHURUGWA 63 PAGUVA . . . Madzimai vongofuma vasina chinhu . . . ‘Ini ndinoshandisa mupurwa kurapa’

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
MABHURUGWA 63 PAGUVA . . . Madzimai vongofuma vasina chinhu . . . ‘Ini ndinoshandisa mupurwa kurapa’ Mabhurugwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuChiweshe — uyo ari kupomerwa kuti ane mishonga inomuita kuti akumure vanhukadzi zvipfeko zvavo zvemukati vasingazvizive — anoti chaanoita iye kushandisa dehwe remupurwa nemafuta aro “mumabasa” ake.

Svondo rapera, kunzvimbo iri kwaMambo Makope iyo iri uku kwakaitika manenji apo mabhurugwa 63 evanhukadzi akawanikwa akaunganidzwa pamusoro pemakuva. Murume uyu ndiye ari kupomerwa kuti ane mushonga wemubobobo zvekare aishandisa mabhurugwa aya mumabasa ake.

Nyaya iyi yakaita kuti vagari venzvimbo iyi, kunyanya vanhukadzi, vamuke chibhebhenenga vachida kuti murume uyu arangwe.

VaHanderson Chiwondo (70), avo vanogara mubhuku raChawawa, vanoti chavo kushandisa dehwe remupurwa nemafuta acho mumabasa avo ekurapa, asi havana chekuita nezvipfeko zvechikadzi izvo zvakawanikwa zviri pamusoro pemakuva.

Svondo rapera, mabhurugwa 63 echikadzi akawanikwa akaitwa mhurwi pamusoro pemakuva ari munzvimbo iyi apo vatungamiri vemusha uyu — mushure mekupihwa simba naMambo Makope VaJacob Mapirinjanja — vakazotsvaga maporofita kuti avabatsire panyaya yakavasiya vazere nekutya iyi.

Maporofita aya anonzi akanongedza VaChiwondo kuti ndivo vane chekuita nezvipfeko izvi vachinzi vanoshandisa mushonga wemubobobo kushereketa nekutorera vanhukadzi zvipfeko zvavo.

Mukuedza kuzvichenesa kumaporofita matatu emachechi akasiyana aya, VaChiwondo vanonzi vakazounza mishonga nedehwe remupurwa iro ravanoti vanorapisa vanhu nekutora mafuta pariri.

Musharukwa uyu anonzi pakatanga kuunganidzwa vanhu, akabvuma kuti anoita zvemubobobo ndokuti ane ruzivo nezvipfeko zvakawanikwa zviri kumakuva izvi.

Zvisinei, muhurukuro neKwayedza nemusi weChipiri svondo, VaChiwondo vanoti hapana zvavanoziva nezvemabhurugwa aya.

“Ini handisi muroyi, chandinoziva ndechekuti ndine dehwe remupurwa iro randinoshandisa kurapa vanhu. Zvekare, ndinotora mafuta padehwe iri ayo ndinorapisa nzeve kuvanhu vakuru nevana.

“Ndinorapawo misana inorwadza nemudumbu. Chikumba chemupurwa ndicho chandakaunza kumaporofita aya asi zvemabhurugwa emadzimai aya hapana chandinoziva kana mubobobo handiite. Zviri kungotaurwa kuti ndine gondwawaturuka,” vanodaro VaChiwondo.

Madzimai aiva akaungana apo paizeyewa nyaya yemabhurugwa echikadzi ayo akawanikwa ari kumakuva mubhuku raChawawa. Mifananidzo naEdward Zvemisha

Vanoti mimwe mishonga yavakaunza kumaporofita aya ndeyekurapa gomarara nezvimwewo zvirwere.

Mai Mavis Chiwondo — mudzimai waVaChiwondo —vanotsinhira kuti murume wavo anogara nedehwe remupurwa nemimwe mishonga yakawanda.

“Ini ndakashayawo angu mabhurugwa sezvakaita mamwe madzimai emumusha muno,” vanodaro.

VaChiwondo vakatopihwa samanisi rekuti vamire mudare raMambo Makope nemusi weMugovera uno kwaNzvimbo vachipomerwa nyaya iyi.

Pakasvika Kwayedza kunzvimbo yaiva yakaungana vagari vemumusha uyu avo vaisanganisira varume nemadzimai vachida kugadzirisa nyaya iyi, vazhinji vavo vainge vakatsamwa apo vaida kurwisa murume uyu.

Vatori venhau pavakaenda kumakuva kwakawanikwa kuine murwi wezvipfeko zvechikadzi izvi, vakawana mamwe maviri akange asaririrako.

Sabhuku Chawawa, VaDoubt Chawawa (58), nenhume yaMambo Makope — VaAlbert Musiyamanje Gonzo (37) — ndivo vakadzikamisa vanhu kuti vasarwise VaChiwondo.

Sabhuku Chawawa vanoti madzimai emumusha mavo vanongoshaya mabhurugwa avo kwemakore maviri adarika kusvikira svondo rapera apo vana vaidya nhunguru kuchuru chine makuva vakazosangana nezvipfeko izvi.

“Nyaya iyi yasvika kwandiri, ndakazozivisa Mambo Makope avo vakatipa mvumo yekukoka maporofita. Asi chakatishamisa taona mabhurugwa aya, madzimai 20 bedzi ndivo vakaziva avo, mamwe ose akashaya varidzi. Takaasiya kumakuva ikoko tichida kuzodzokera mangwana nemaporofita apo takazofuma tichiwana kusisina uye akazowanikwa akakandwa muchimbuzi chepamumwe musha,” vanodaro sabhuku.

Vanoti pane mashoko anoti zvimwe zvipfeko izvi ndezvemadzimai emumusha uyu avo vakafa kare.

Pane fungidziro inoti vamwe varidzi vezvipfeko izvi vanogara mumusha umu, asi zvichida nekunyara, havana kuda kubuda pachena.

“Muno, kubva pakatanga vakadzi kushaya zvipfeko zvavo, madzimai anobva pamiviri pakangosvika mwedzi miviri uyewo vamwe vavo vanotevera zvisina magumo, vamwewo havachatotevera zvachose,” vanodaro Sabhuku Chawawa.

Mambo Makope vanoti nyaya iyi vachaipedza nemusi weMugovera uno.

“Sabhuku Chawawa vakandipira nyaya iyi, handisati ndakwanisa kuendako asi tine dare remurume uyu nemusha wose wekwaChawawa. Ndakavapa mvumo yekutsvaga maporofita ndanzwa dambudziko iri. Murume uyu anonzi akabvuma nyaya yake.

“Ndikamubata nemhosva anofanirwa kuripa mombe shanu dzechipini kana kuti makunakuna mudunhu mangu. Izvi zvinotadzisa mvura kunaya,” vanodaro.

Dambudziko rekushaikwa kwemabhurugwa echikadzi rinonziwo ratekeshera mumisha yakakomberedza inosanganisira Kazunga, Kawanzaruwa naMaponga.

Munyori mubhuku raChawawa, Maitiro Kawanzaruwa (40), anoti mashoko ose ekubvuma kunonzi kwakaita VaChiwondo nyaya yezvipfeko izvi ari muzvinyorwa zvake zvemusha.

Vamwe vevanhu vakataurwa navo vanosanganisira Voice Maponga, Glea Mutamba naEmelda Mutamba (48) vanoti nyaya iyi inoda kugadziriswa nekukasika.

Gore rapera pamberi, kwaMambo Njelele, kuGokwe, kune vanhukadzi 27 vakangofuma vasina zvipfeko zvavo zvemukati izvo zvikazowanikwa zviri musango reko.

Votaura nezvenyaya iyi, Madzibaba Clive Masango vekuRugare, muHarare, vanoti vanhukadzi vane zvipfeko zvakawanikwa zviri kumakuva vanofanirwa kushandirwa pamweya.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaPatrick Kapfunde (54) kana kuti Sekuru Bhaureni vekwaMadondo, kuMt Darwin, vachiti musha uyu wose unoda kuchenurwa pachivanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey