Uncategorized

Machechi shandai nemadzishe: Bishop

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Machechi shandai nemadzishe: Bishop

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAKURU vedzisvondo vari kukurudzirwa kushanda pamwe chete nemadzishe nemadzimambo munyika nedonzvo rekusimbaradza tsika nemagariro evatema pamwe nekurwisa kuparwa kwemhosva. Mashoko aya akataurwa naBishop James Chirwa (48) vechechi yeZvapupu zvaJesu Apostolic Church (ZZAC) svondo rapera pamberi vari kuChikomba, kuChivhu pakupemberera makore 20 Mambo Mutekedza, VaAndrew Zhakata (73), vekudunhu iri vari pachigaro chehumambo.

“Madzimambo nevakuru vedzisvondo vanofanirwa kushanda pamwe chete nekuti dzidziso yavo imwe chete pakuti hakuna panoparidzwa zvakaipa kumativi ose maviri aya. Isu tinoparidza kusaparwa kwemhosva kuburikidza nemitemo ine gumi, mitemo iyoyo ndiyo mimwe chete inoshandiswa pakutonga vanhu mumatare emadzimambo,” vanodaro Bishop Chirwa.

“Hakuna mambo kana ishe anoda kuti dunhu rake risvibiswe nekuparwa kwemhosva zvakaita semakunakuna, kupondana, kuba nezvimwe zvakasiyana izvo zvinowanikwawo pagumi remitemo. Saka izvi zvinoreva kuti mabhishopu, mafundisi nevamwe vatungamiri vemachechi vanofanirwa kudyidzana nemadzimambo nekuti vanorwisa dambudziko rimwe chete.”

Vanoti zvakanakawo kuti vemakereke vape zvipo kumadzimambo nemadzishe.
“Semuenzaniso, izvozvi chechi yangu yapa chipo chembudzi kuna Mambo Mutekedza nezvimwewo zvinhu kusanganisira zvekudya nematende, izvozvo zvoga zvinoita kuti ndiropafadzwe mubasa rangu naMwari uye hapana chiokomuhomwe ipapo,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey