MaChevrons adyiwa, haasi kuenda kuWorld Cup

04 Jul, 2023 - 17:07 0 Views
MaChevrons adyiwa, haasi kuenda kuWorld Cup Chevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chakundwa neScotland ne31 runs mumutambo weSuper Six watambirwa kuQueens Sports Club, kuBulawayo, izvo zvabva zvaona chichitadza kuenda kuICC Men’s Cricket World Cup.

MaChevrons ange achifanirwa kukunda Scotland nhasi kuti abudirire kuenda kuWorld Cup iyo ichazotambirwa kuIndia kutanga munaGumiguru.

Mumutambo uyu, Scotland ndiyo yange yatanga kutamba (bat) yakaita 243 runs mumaovers 50 pakabuda vatambi vasere, maChevrons ndokuzotambawo ndokuburitswa vese akwanisa kuita 203 runs.

MaChevrons paange ave kutamba, haana kutanga zvinogutsa zvichitevera kukurumidza kubuda kwaita vatambi vayo vanoti Joylord Gumbie uyo abuda ne0 runs, kuchiti Craig Ervine abuda ne2 runs.

Innocent Kaia naSean Williams vazotevera vose vakabuda ne12 runs, kuchiti Sikandar Raza abuda ne34 runs.

Ryan Burl ndiye ambozama kumaChevrons sezvo abuda ne83 runs.

Mumutambo weICC Men’s Cricket World Cup Qualifiers Super Six uri kutambwa, Sri Lanka pari zvino ndiyo yabudirira kuhwina tikiti rekuenda kuWorld Cup uye chimwe chikwata chichatevera Sri Lanka chichaonekwa pachazotamba Scotland neNetherlands nemusi weChina.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey