MaChevrons akunda Oman

29 Jun, 2023 - 20:06 0 Views
MaChevrons akunda Oman Sean Williams

Kwayedza

Abel Ndooka

Chikwata chenyika, maChevrons, chaisa rimwe gumbo mundege yekuenda kuICC Men’s Cricket World Cup 2023 iyo ichatambirwa kuIndia zvichitevera kukunda kwachaita Oman nhasi mumutambo wekutanga weSuper Six uyo watambirwa kuQueens Sports Club, kuBulawayo.

MaChevrons ahwina mutambo uyu ne14 runs.

MaChevrons ndiwo atanga kutamba (kubatter) izvo zvaaona achiita zvibodzwa 332 pakabuda vatambi vanomwe vatamba 50 overs.

Oman yazozama kutevera zvibodzwa izvi asi yakundikana sezvo yazoita 318 runs pachibuda vatambi vapfumbamwe pa50 overs.

Kaputeni wemaChevrons — Sean Williams — ndiye asarudzwa kuita man-of-the-match sezvo akwanisa kuita zvibodzwa 142 atamba mabhora 103.

Mumutambo unotevera wemaChevrons achasangana neSri Lanka nemusi weSvondo uye ozosangana neScotland svondo rinotevera musi weChipiri.

Pamitambo yasara, maChevrons anofanirwa kungohwina mutambo mumwe chete kuti abudirire kuenda kuWorld Cup yegore rino iyo ichatambirwa kuIndia.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey