MaChevrons anotofanirwa kukunda Scotland

03 Jul, 2023 - 23:07 0 Views
MaChevrons anotofanirwa kukunda Scotland Chevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chiri kusangana necheScotland mangwana kuQueens Sports Club, kuBulawayo, mumutambo uyo chinofanirwa kuhwina kuti chiwane tikiti rekuenda kuICC Men’s Cricket World Cup iyo ichatambirwa kuIndia.

Musi weSvondo wadarika maChevrons akakundwa neSri Lanka nemawickets mapfumbamwe mumutambo weSuper Six uyo wakabva waona Sri Lanka ichienda pamusoro pemaChevrons palog reSuper Six.

Kukundwa kwakaita chikwata chaDave Houghton neSri Lanka kunoreva kuti maChevrons anotofanirwa kuhwina mutambo wavo wekupedzisira wemuSuper Six neScotland uye kana vakahwina mutambo uyu, vanobva ahwina tikiti rekuenda kuIndia uye vopinda mufainari yekurwira mukombe weICC Men’s Cricket World Cup Qualifiers uyo uri kutambirwa muno.

Fainari yeICC Men’s Cricket World Cup Qualifiers ichatambwa nezvikwata zviviri zvichapedza zviri pamusoro pezvimwe zvese palog reSuper Six musi weSvondo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey