Uncategorized

Madungwe murwere, itsotsi

13 Dec, 2020 - 10:12 0 Views
Madungwe murwere, itsotsi Prophet Madungwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu 

VAKURU vemachechi emuno nenyanzvi dzezvechivanhu vanoti mashoko ari kutaurwa naProphet Talent Madungwe uyo anogara achiti anoshanyira Mwari paadira nekuita hurukuro uye nekuseva mundiro mumwe chete naye ekuti mumwedzi waGunyana pasi rose ndiye bedzi akange ari mutsvene anoratidza kuti murume uyu murwere wepfungwa kana kuti iguruvhani rinoda kubata vanhu kumeso.

Nguva pfupi yadarika, Madungwe akabuda achiti mumwedzi waGumiguru, pasi rose hapana munhu kusanganisira mudzimai wake nevakuru vemachechi aiva mutsvene kunze kwake bedzi.

Votaura pamusoro pemashoko aya, Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRedeemed Christian Fellowship International Ministries (RECFEMI), vanoti Madungwe haasi muporofita asi kuti murwere wepfungwa kana kuti itsotsi.

“Murume uyu ari kuzviti muporofita haasi, Madungwe anofanirwa kunge ave kurwara nepfungwa. Hakuna munhu anonzi mutsvene pamberi paMwari saka tichigara tichireurura nguva dzose kuti tive vatsvene. Anofanirwa kuendeswa kuna chiremba wepfungwa aongororwe. 

“Zvinoitwa chete naMwari ndivo vakarurama, tose tiri kutsvaga nyasha kubva kuna Mwari. Chokwadi tingaterere munhu anozviti ndiye Deputy Heavenly Commander? Hamuone kuti kurwara,” vanodaro Pastor Muchefa. 

“Madungwe ane kingdom yake yaanonamata ari, kwete yaMwari. Mweya waBhahari waari kushandisa. Tinganzwe kana kutora mashoko emunhu anoti akadya nyama naMwari nekugocha here? Kutsvaga mbiri uku saka ndinoti Madungwe ngaauye atendeuke nguva ichiripo.” 

Pastor Muchefa vanoti Zimbabwe inozivikanwa nekunamata zvikuru kwete zvave kuitwa naMadungwe.

“Muno tine mhare, simbi chaidzo dzekunamata dzakaita sanaBaba (Archbishop Ezekiel) Guti, vanaBishop (Nehemiah) Mutendi, vana(Paul) Mwazha nevamwe vakawanda vanozivikanwa pasi rose nekufambisa vhangeri. Zvino izvi zvaMadungwe zvinoda kuti nyika yose inyengetere kuti adzikinurwe kubva mukunyepa kunonhuhwa uko ari kuitira nyika. Pamwe ari kuita zvake dhirama,” vanodaro Pastor Muchefa. 

Apostle Oswell Sunday avo vanozivikanwa nekuti The Witch Killer vachinamata kuChurch of Christ Life International vanotiwo Madungwe haasi muporofita waMwari. 

Apostle Sunday

“Madungwe haakwane kuti ndimuti muporofita kana kuti mufundisi nekuda kwemashoko ake ekuti ndiye chete aive mutsvene pasi rino rose mumwedzi waGumiguru. Anorwara nepfungwa uyu.

“Hakuna munhu anomira naMwari anorarama. Anoda kudzikinurwa pamweya uye ari kushandisa mweya wetsvina weSatanism. Handinyare kumuti imbavha inoda kubira vanhu achinyepera zita raMwari,” vanodaro Apostle Sunday. 

Kuchiti Madzibaba Mateo Alfred Mupfumbati vechechi yeFaith in God Ministry iri muHarare vanotiwo Madungwe murwere wepfungwa.

“Zviri kutaurwa naMadungwe izvi kuhumana chete, hazvina humwari mukati, anopenga. Ndinoyambira vanhu kuti vasanzwe mashoko emurume uyu,” vanodaro Madzibaba Mateo. Sekuru Friday Chisanyu vanove nyanzvi yezvechivanhu vanoti veruzhinji havafanirwe kuterera mashoko aMadungwe vachiti munhu anongotaurawo pfungwa dzake dzisina hudzamu.

“Madungwe munhu ari kushandisa zita raMwari neraJesu zvisizvo achinyepera vanhu uyewo hakuna munhu anozvichenesa oga. Tine vanhu vave kutsvaga mbiri nemanyepo, ndizvo zviri kuitwa nemurume uyu achizviti munamati,” vanodaro Sekuru Chisanyu. 

Sekuru Chisanyu

Zvisinei, Madungwe anoti haasi murwere wepfungwa sezvinotaurwa uye zvinhu zvemweya zvinokwaniswa chete kududzirwa nevanhu vezvemweya, kwete venyama sevari kumuti mupengo. 

“Hazvindishamise izvo nekuti ivo Jesu vakarambwa neruzhinji. Ini handidye mumabhini, handipenge asi ndinoshandiswa nemweya waMwari. Ayo mafungiro avo asi ini handirege kunamata nekuda kwavo,” anodaro Prophet Madungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey