Uncategorized

Madungwe uya atanga ‘futi’

01 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Madungwe uya atanga ‘futi’ Prophet Madungwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

PROPHET Talent Madungwe wechechi yeReminant Desire of All Nations Ministries iri muguta reHarare, uyo anozivikanwa nembiri yekuzviti anoita matare naMwari mbune, rwendo rwuno auya neimwe nyaya apo ari kuti mushakabvu shasha yenhabvu George Shaya – uyo achangobva kushaika – haasati atongwa, asi TB Joshua agere “tatata” kuhumambo hwekudenga.

Madungwe (35), uyo anogara mumusha weSunningdale, muHarare uye kumusha achibva kumapurazi ekuTongogara kuShurugwi, anoti Shaya haasati atongwa sezvo akamirira mukana wake kuti aongororwe mabasa ake aaiita pano pasi.

“Nyaya yaGeorge Shaya hatisati tava kutaura nezvayo kuti tizive kuti ari papi pahunaku hwake, haasati atongwa asi ari pamutsetse. Asi vamwe avo vakadai sanaTB Joshua akaenda kuHeaven nemabasa ake akanaka ayo aiita, haana zvipomerwa.
“Uyowo Ginimbi ndakataura kare kuti vakuru ava havana kwavakaenda, vari kugehena chaiko. Tinotaura zvatinenge tanzi taurai saHeavenly Army Commander,” anodaro Prophet Madungwe.

Muporofita uyu anoti anogara achiita misangano naMwari.
“Vanhu vanotaura nepasipo, hongu ndakaonana naMwari uye ndinogara ndichionana navo kwete kamwe chete. Vanhu havanzwisise mashoko emweya, paye ndakati ndakaita chipiriso yatinoti sacrifice pachitsva nyama hutsi huchiuya kwatiri kwete kudya chaiko. Panyaya zvakare yaOliver Mtukudzi, uyo akapinda kuheaven, haana zvipomerwa,” anodaro Prophet Madungwe.

Anoti hapana anomukunda pakudzidza pasi rino rose.
“Munyika muno nepasi rose ndini ndakadzidza kudarika vamwe vose kwete kuti ndakaenda kuchikoro cheTheology asi kuti ndakawana ruzivo kubva kunaNyadenga, yatinoti Heavenly School isina kana mumwe chete akamboienda kunze kwemumwe chete akafa, William Malona Brahanan uyo akafa muna1969,” anodaro Prophet Madungwe.

Zvisinei, Prophet Madungwe haana kukwanisa kutaura kuti Brahanan uyu aive wenyika ipi.
Murume uyu anoti akaroora uye ane mhuri.

Anoti akasunga satani kaviri, mugore ra2016 na2017, uye anovimbisa kuti acharamba achimusunga nekuda kwehutadzi hwake.
Prophet Madungwe anoti kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 mugore ra2020 kusvika zvino, pasi rino rose hakuna munhu mutsvene kunze kwake.

“Pasi rino nemunyika ino yose hakuna mutsvene kunze kwangu ini Prophet Talent Madungwe nekuti handiverengerwe mukati meruzhinji,” anodaro.

Prophet Madungwe anoshorawo vanhu vanoti anopenga achiti, “Vanhu vanofunga kuti ndinopenga, handizvo regai vataure nekuti pfungwa dzemunhu woga-woga munyika muno dzinobvumidzwa. Kana iye mwanakomana waMwari vanhu vaimuramba wani uye vaye vaiva vabatwa nemweya mutsvene vakanzi vakadhakwa nedoro.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey