Uncategorized

Madzimai Miriam aenda nemurume wemuridzi

21 Dec, 2022 - 11:12 0 Views
Madzimai Miriam aenda nemurume wemuridzi Kudakwashe Chitengu

Kwayedza

Latwell Nyangu naAshley Mujoma

MUDZIMAI wekuChitungwiza anopinda chechi yeJohanne Masowe eChishanu ari kupomerwa mhosva yekuparadza wanano yemakore manomwe kuburikidza nekutora murume ane mukadzi wake.

Lindiwe Muchekanyanga, uyo anonyanya kuzivikanwa saMadzimai Miriam, ari kupomerwa kuparadza wanano yaNomatter Chiridza mushure mekutora murume wake, Kudakwashe Chitengu.

Chiridza anonzi akaziva nezvenyaya iyi mushure mekuona mifananidzo yaMadzimai Miriam asina kupfeka iri munhare yemurume wake.

Chakanyanya kushamisa Chiridza ndechekuti Madzimai Miriam ndiye aitomubatsira neminamato yekuchengetedza wanano yake.

“Tine vana vaviri uye Madzimai vanondiziva zvikuru. Vaindibatsira neminamato yewanano yangu, asi iko zvino ndinoziva kuti akanditora semunhu asingafungi. Vakandirwadzisa sezvo vasiri kana kukungura pane zvese zvakaipa zvavakaita,” anodaro Chiridza.

Anoti paakanetsana nemurume wake nokuda kwenyaya iyi, akabva aregedza kuuya kumba uye haachina hanya nevana vake.

“Haachauyi kumba. Akasarudza kusiya vana vake akati ndizvionere.

“Ndiri kutambura nevana asi baba vavo vari mushishi kuchengeta imwe mhuri. Mwana wake akatadza kupedza zvidzidzo zvake paECD nekuti aiti haana mari, asi ari mushishi kufonera Madzimai kuti atengere vana vavo zvipo,” anodaro Chiridza.

Anoti akaona mameseji akawanda enhaurirano pakati pemurume wake naMadzimai Miriam apo vaironga zvekunosasana vachidya nyika rutivi.

Zvakadai, Chitengu ari kutozvirova dundundu nekudanana kwaari kuita naMadzimai Miriam.

“Handirambe kuti ndiri kudanana naMadzimai Miriam. Kutaura zvazviri, ndinomuda zvikuru.

“Ndini ndakatumira mifananidzo iyoyo mufoni mangu nekuti ndeyangu. Dai asina kusecha mufoni mangu angadai asina kuzviona.

“Handinyari nekuda kwezvandinoita uye ndiri kudanana naMadzimai Miriam zvakanyanya.

“Akaratidza kuti haasi mukadzi akanaka uye anoremekedza. Aifanira kunge aita chihwande pakati pangu naye isu tichitsvaga nzira yekugadzirisa dambudziko iri pane kuudza munhu wese nekuvaratidza mifananidzo vasina kupfeka,” anodaro Chitengu.

Anoti kana Chiridza akaramba achinetsa Madzimai Miriam, anomumhan’ara kumapurisa.

“Zvinhu hazvina kumira zvakanaka, ndinonzwisisa asi aisafanirwa kuudza vanhu nezvenyaya iyi,” anodaro.

Madzimai Miriam anotsinhirawo kudanana kwake naChitengu.

“Ndinotsinhira kuti ndinodanana nemurume wake, asi rudo rwedu rwakatanga kare apo vaviri ava vakarambana. Handisini ndakavatumira mameseji ndisina kupfeka, asi murume wake ndiye akanditora ndisiri kuziva uye ndichamusungisa nezvaakaita.

“Haana kundizivisa kuti vaviri ava vakanga vadzokerana, saka rudo rwedu rwakaenderera mberi.

“Ndiri kutomhan’arira murume wake kuti akanditora mifananidzo ndisina kupfeka pasina mvumo yangu,” anodaro Madzimai Miriam.

“Mukadzi uyu akandinetsa kakawanda uye ndichiri kufunga kuti ndoramba ndichidanana nemurume wake here kana kuti ndomusiya.

“Ndakanzwa kuti anoti murume wake ari kugara pamba pangu izvo zvisiri izvo. Ini handizive kwaanogara,” anodaro Madzimai Miriam.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey