MaGems ogadzirira Diamond League

03 Nov, 2022 - 13:11 0 Views
MaGems ogadzirira Diamond League MaGems

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika chenetball chemaGems chiri mushishi kuita gadziriro dzekuenda kunokwikwidza kumutambo weDiamond League kuDurban, kuSouth Africa masvondo anotevera.

Mutambo weDiamond League uchange une zvikwata zvikuru zvenetball zvinoti Zimbabwe, South Africa, Malawi neScotland uye uchatanga nemusi wa19 Mbudzi uchizopera nemusi wa26 Mbudzi.

MaGems, ayo akabudirira kuenda kuWorld Cup gore rinotevera kuCape Town, South Africa, achashandisa mutambo weDiamond League segadziriro dzemakwishu makuru aya.

Mutungamiri weZimbabwe Netball Association, Letticia Chipandu, anoti mutambo weDiamond League wakakosha zvikuru sezvo uchapa chikwata chavo mukana wekugadzirira World Cup.

“Takatarisana nemutambo weDiamond League uyo tichasangana nenyanzvi dzenetball dzinoti Scotland, Malawi neSouth Africa,” anodaro Chipandu.

Anoti rwendo rwechikwata chavo rwekudzokera kuWorld Cup rwange rusiri nyore.

“Kuhwina tikiti rekudzokera kuWorld Cup zvange zvisiri nyore nekuti takarwa kuti tikunde zvimwe zvikwata zvatakasangana nazvo zvaiti Zambia, Botswana neNamibia ndokubva tabudirira kuita chikwata chechina chichamirira Africa kuWorld Cup.

“Gadziriro dzinotanga izvozvi uye isu ishuviro yedu kuti kuWorld Cup tinopedza tiri pakati pezvikwata zvinenge zviri muTop 5,” anodaro.

Apo maGems ari pakati pekuita gadziriro dzekuenda kuDiamond League, Chipandu anokurudzira makambani akasiyana kuti vatsigire chikwata ichi.

“Ishuviro yedu kuti vatambi vedu ava vaitewo dzimba dzavo, motokari uye vakwanise kuchengeta mhuri dzavo. Chatiri kukumbira rubatsiro rwemari kuitira kuti vasikana vatambiriswe sezvinoitwa vatambi vebhora vechirume, tinokumbira kuenzaniswa kwemari yekutambira,” anodaro Chipandu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey