Uncategorized

Magwaro emidziyo ndeani, anogara nani?

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

PACHINE pfungwa dzakasiyana maringe nekuve muridzi kana kuva munhu akabata magwaro anotaridza kuti ndiani mwene wemidziyo. Zvinhu zvinorwadza kuzoona kuti imba yaunenge wachengetera mhuri yako inenge isiri yako ichitonzi ndeye bhanga.

Kunyangwe zvikwereti zvevadikani pamidziyo iyi zvinogona kuramba zvichingonyuka pasina anoziva saka zvinhu zvinorwadza kuti vanhu vanenge vagadzirisa midziyo vachiti ndeyavo vozonzwa kuti ine zvibatiso zvakadai sezvekubhanga kunenge kwakatorwa zvikwereti.

Pamutemo, kuve muridzi wemidziyo zvinoreva kuve nezvinhu zvinenge zviri zvako zvaune masimba pamusoro pazvo zvekuti kana makondirakiti anenge akasainirwa midziyo iyoyo akapera unokwanisa kuramba uri muridzi wayo.

Kugara kwenguva refu uine mudziyo wako kunosiyana nekuti dzimwe dzenguva midziyo yacho inogona kuguma yave yemumwe munhu anenge ave nekodzero yekuva muridzi.

Somuenzaniso, mudzimai anenge aine mombe dzake shoma achibva asiya mombe dziya dziri mudanga remumwe mudzimai kwenguva yakati kuti.

Mudzimai uyu anobvumira muchengeti kuti ange achikama mukaka asi asingatenderwi kuuraya mombe dzacho saka izvi zvinoratidza kuti mudzimai ari kuchengeteswa mombe idzi anoita kunge muridzi sezvo anenge ari iye anadzo.

Asika, mudzimai wekuchengetesa mumwe wake mombe ndiye anenge ari muridzi wadzo chaiye nekuti anogona kuuya kana pane ipi zvayo nguva achitengesa mombe idzi kana kudzitora.

Nekuda kwemusiyano wakakosha uyu, wekuve muridzi nekuve muchengeteswi, zvakakosha kuti vanhu vange vachiziva mamiriro akaita zvinhu pakuzvishandisa. Zvakakosha zvakare kuziva kuti motokari yauri kutyaira ndeyani uye iri muzita raani.

Mumatare edzimhosva mune nyaya dzemadzimai aiti akatyaira motokari kwemakore mazhinji vachizoshamisika vave kunzwa kuti dziri mumazita evamwe vanhu.

Zvakakosha kuti vanhu vave nemagwaro (title deeds) emidziyo yavo kuti vange vachiziva kunyangwe mitengo yemidziyo iyoyo nekuva zvakare nemasimba evaridzi.

Kodzero yekuve muridzi wemudziyo iri mubumbiro remutemo rinoti munhu wose ane kodzero yekuve muridzi wemidziyo, kana kuiendesa kune mumwe munhu. Kodzero iyi haitarisi kuti uri murume here kana kuti mukadzi, inotarisa vanhu vose zvakaenzana.

Kune katsika kari kuitwa nevanhu kekufunga kuti kana mudziyo uchinge wakanyoreswa uri muzita rababa vemusha munhu wose wemumhuri imomo anokwanisa kuushandisa.

MuZimbabwe, vanhu vanokundikana kuziva kuti wanano handi nharaunda yeveruzhinji zvichireva kuti munhu wega-wega ari muwanano anofanira kuve nemidziyo yakanyoreswa muzita rake kuti ave muridzi uye pakuparara kwewanano midziyo inogovewa pakati pevaviri.

Pakugovewa kwemidziyo, matare edzimhosva anotarisa kuti ndiyani ane magwaro ekuve mudyi wenhaka kana kuti ane marisiti nezvimwe zvinotariswawo nedare seumboo.

Nyaya dzekuve vadyi venhaka hadzishandi bedzi muwanano asi kuti kunyangwe kuvanhu vakazvimiririra nekuti kana munhu achinge aitwa muridzi wemudziyo anenge atova nemasimba pamusoro pawo. Kumadzimai ekumaruwa, izvi zvinenge zvave kureva kuti vanenge vave kufanira kunyoresa mombe dzose dzavenenge vari kuchengeta kuti dzive mumazita avo mumabhuku kana kuti makadhi emombe.

Kana munhu achinge apihwa chipo chemota, haafaniri kuityaira asati aziva kuti muridzi wayo ndiyani nekuti anenge apihwa sechipo kwete kuti ave iye muridzi wayo.

Kana vanhu vakange vaine mubatanidzwa wekuve varidzi vemidziyo kana pakaita zvikwereti kumabhanga hazvirevi kuti mumwe wavo akashaya zvikwereti izvozvo zvinenge zvatopera nekuti vanhu vose vanenge vari mukondirakiti iyi vanofanira kuziva zviga zvavanenge vakasainira.

Zvakakosha kuti munhu wose anenge apinda muchirongwa chemushandirapamwe chekuve varidzi vemidziyo anenge achiita izvi mukuwirirana.

Zvinhu zvinonyevenutsa pfungwa kuti munhu unge uchiziva kuti ndiwe muridzi wemudziyo wemandiriri uye zvive zvakanyoreswa pamutemo.

Zvakakosha zvakare kuve nemagwaro (marisiti) ezvinhu zvose kuitira magwana. Kana uri kugara imba yausiri kuziva muridzi wayo shanyira mahofisi anoona nezvekunyoreswa kwemidziyo (Deeds Registry Office) uwaniswe ruzivo kana iri midziyo yakaita semotokari tsvakurudza muridzi wayo nekuti rimwe remazuva muridzi wayo anogona kuuya kuzoitora nekuti inenge iri yake.

Zvinyorwa izvi zvakabva kuna Danai Chirawu. Vanoda kubatsirwa mune zvemutemo munokwanisa kutishanyira pamahofisi edu ari panhamba 17 Fife Avenue, Harare, kana kuridza nhare paHotline numbers: 078 2900 900, 0776736873

Toll free number: 08080131 kana kutibata padandemutande rinoti [email protected] <mailto:[email protected]>

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey