Uncategorized

‘Mai mwana makandizadza hosha’

11 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Janet Chikotosa
MURUME wekuendeswa kudare nemukadzi wake achiti ari kumushungurudza anoti mudzimai uyu anomunyepera uye iyi inzira yekuda kunzvenga mhosva yake yekumutapurira chirwere chemukondombera.

Lovemore Sengerayi akaudza dare reHarare Civil Court kuti Stembile Gambiza ndiye anomufurufusha nekumubaya nebanga pamwe nekumudhonza nhengo dzake dzakavandika kana vachinge vanetsana.

Gambiza akati Sengerayi anomuonesawo pfumvu.

“Vakuru vedare, ndaikumbirawo kuti murume uyu achibuda mumba mangu anotsvaga kwekugara nokuti tatadza kuwirirana. Patakatanga kugara tose ndiye akauya mumba mangu. Panongopera mwedzi chete ndotoziva kuti mari yangu yandakashandira yava kutoenda kumurume. Kana vabereki vangu ndototadza kuvachengeta nokuti murume anenge achingotora mari.

“Handingaite upenyu hwekumukira kunoshanda kuti ndizotambidza murume mari pakupera kwemwedzi. Yake handizive kuti anotambira marii kana kuti inoitei asi iye anotoshaya hope nemari yangu.

“Anondirova pamwe chete nemunin’ina wangu wandinogara naye. Kana kuri kutukwa tinotoziva kuti zuva haripere, anongotuka chero paadira nyangwe pasina kana mhosva,” akadaro Gambiza.

Sengerayi akati Gambiza aireva nhema uye aida kunzvenga mhosva yake yekumuzadza chirwere.

“Ini ndinopikisana nemudzimai wangu. Zvose zvaari kutaura ari kuda kuedza kuvhara mhosva yake. Kundiona kudai mukadzi uyu akandibatidzira chirwere, nditori pamapiritsi. Hembe dzangu haawache uye ndikakurura mbatya dzangu munotoona mavanga okubaiwa nebanga kasingapere. Anodhidhonza nhengo dzangu dzakavandika.

“Ndinofunga shungu dzake ndedze kundiuraya chete.

“Mukadzi uyu ndakamuwana aine chitofu chete mugore ra2012 asi izvozvi imba yazara nezvinhu zvandakatenga.

“Apa oti ndinomushungurudza, anorevei? Anofanira kutotenda Mwari nokuti ndakamuwana aine mwana wake ini ndiri jaya asi nenyaya yerudo handina kuzvitarisa,” akadaro Sengerayi.

Mutongi Barbra Mateko akapa Gambiza gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vataurirane kuti vagoona kugarisana zvakanaka semukadzi nemurume.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey