Uncategorized

Mainini nzeve kwachu

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso—

BOTSO repabarika rakasvika pakuti mukadzi nyachide adamburwe nzeve navahosi apo vairwira murume. Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court mushure mekunge mudzimai akangozivikanwa saMurewerwi akamhan’arira nyachide wake, Talent Chada, achimupomera mhosva yekugara achimurwisa.“Mukadzi uyu anozviti mukadzi wemurume wangu wechipiri asi ini handizvibvume nekuti handina kumbobvira ndaudzwa kuti ndava namainini.

“Anoita chipfambi nemurume wangu zvandinoziva asi ngaachirega kuenderera mberi achida kundishungurudza,” akadaro Murewerwi.

Akati Chada anomutuka pose paanomuona.

“Hazviite kuti apfuudzane neni asina kundiudza mashoko. Anotouya nekubasa kwangu mawune zvake kuti angondinyadzisa pamberi pevamwe vandinoshanda navo asi ari iye akatora murume wangu,” akadaro.

Akati Chada akambomiswa mudare reMbare Magistrates’ Court nguva yadarika mushure mekunge amutumira mashoko ekumutuka panharembozha zvikaita kuti avharirwa mutirongo kwemazuva.

“Haasi kuda kuchinja hunhu hwake ndiko kusaka ndauya kuno kudare kuti adziviswe kundishungurudza,” akadaro Murewerwi.

Chada akaudza dare kuti mashoko aitaurwa naMurewerwi aive emanyepo sezvo vakaroorwa nemurume mumwe chete uye ndiye mudzimai wechipiri.

Akati vahosi vake ndivo vanotogara vachimurova uye paakambomiswa mudare vakange vanyepa kuti aivatumira mashoko ekumutuka asi iye aitumirana nemurume wake.

“Vakandirwisa vakandidambura nzeve, nzeve yangu yekuruboshwe iyi. Izvozvi haina chipenga nekuti ndivo vakandiruma kusvika yadambuka vakatosungwa,” akadaro.

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare kuitira kuti vanzwe mutongo wenyaya yavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey