Makanzuru matirasisa: Mutizwa

06 Jul, 2023 - 19:07 0 Views
Makanzuru matirasisa: Mutizwa Stanford Stix Mtizwa

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu – Stanford ‘Stix’ Mutizwa – ari kunyunyuta nemamiriro akaita nhandare dzenhabvu munyika izvo zvave kuona muHarare musingatambirwe bhora reCastle Premier Soccer League (PSL).

Mitambo yePSL yakadzoka svondo radarika zvichitevera kumiswa kwayainge yamboitwa nekuti nhandare dzange dziri shoma izvo zvakaona National Sports Stadium ichivharwa sezvo isina mvura.

Kudzoka kwakaita nhabvu uku, nhandare dzose dzemuHarare dzakanzi hadzisi padanho rekutambirwa bhora rePSL.

Izviri zviri kuona zvikwata zvemuHarare zvinoti Dynamos, CAPS United, Herentals College, Black Rhinos, Yadah Stars zvichishandisa nhandare dzekunze kweHarare kutambira mitambo yazvo.

DeMbare neCAPS United zvave kushandisa Babourfields kuBulawayo, kuchiti Herentals iri kushandisa Mandava Stadium kuZvishavane, Chauya Chipembere (Rhinos) iri kushandisa Bata Stadium kuGweru uye Yadah Stars iri kushandisa Baobab Stadium kuNgezi.

Stix, uyo anove technical director kuBlack Rhinos, anoti mamiriro akaita nhandare zhinji dzemuno anorakidza kuti nhabvu yacho hapana kwairi kuenda uye zviri kudzorera mutambo uyu kumashure.

Anoti izvi zviri kutuma vechidiki vazhinji kusvika pakuora moyo nemutambo uyu vachiona kusarongeka kwazvakaita.

“Zvatiri kuona izvi hazvisi zvebhora, shuwa tingati muHarare hamuchatambirwe nhabvu nekuti nhandare hadzisi padanho rinotarisirwa kutambirwa mutambo uyu? Zvinoreva kuti hatina kurongeka panyaya dzenhabvu munyika uye hapana kwatiri kuenda.

“Vatsigiri vanoda kuona zvikwata zvavo zvichitamba svondo rega-rega, izvezvi pane mutsigiri angakwanise kuenda kuBulawayo svondo rega-rega achitevera chikwata chake, mari yacho anenge aiwana kupi? Kana mhuri dzevatambi venhabvu dzinoda kuuya kuzoona vana vavo vachitamba, manje vanosvika pakupera simba nekuti havakwanise kuvatevera kubuda muHarare svondo rega,” anodaro.

Stix anoenderera achiti: “Kare tichikura, taiziva kuti kune nhandare dzakasiyana dzekumarokesheni kwatainotambira nhabvu nemimwe mitambo yakasiyana kwakaita sekuMai Musodzi Hall kuMbare, Stodart Hall uye nekuChinembiri. Nzvimbo idzi dzaiita kuti tide mitambo uye taienda kunodzidza ikoko, asi iye zvino hakuchina.

“Vana vakusvika pakuramwa mutambo uyu nekuti vari kuona kusarongeka kwakaita zvinhu uye izvi ndizvo zvinozopedzisira zvave kuvaona vachipinda mune zvinodhaka.”

Stix anoti makanzuru ari kuregerera panyaya dzekuvandudza nhandare dzenhabvu nekudaro hutungamiri hweZifa hunofanirwa kuenda kunomira pamberi pedare reParamende vopa zvichemo zvavo kuti Hurumende ipindire munyaya yekuvandudzwa kwenhandare dzose.

“Ini ndinoona sekuti makanzuru akundikana panyaya yekuvandudza nhandare dzedu saka hutungamiri hwenhabvu yedu kana vakangwara ngavaende vanomira pamberi pedare reParamende vopa chichemo chekuti Hurumende ipindire igobatsira mukuvandudza nhandare dzose bhora ritambwe kumapurovhinzi ese,” anodaro.

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Vice-President Constantino Chiwenga, svondo rino vakashoropodza kanzuru yeHarare vachiti iri kutadza kuvandudza nhandare dzenhabvu dzinosanganisira Rufaro Stadium iyo isiri kutambirwa bhora kwemakore mana adarika nekuda kwekusagadziriswa.

Vachitaura kuzviuru nezviuru zvevatsigiri vebato riri kutonga reZanu-PF kuMbare Netball Complex muHarare, VP Chiwenga vanoti veruzhinji vanofanirwa kuzvidzikinura kubva mukutadza basa kuri kuitwa nekanzuru yeHarare nekuvhotera President Mnangagwa neZanu-PF musarudzo dzichaitwa nemusi wa23 Nyamavhuvhu.

“Kutaura nezvenhabvu, vamwe venyu munotevera mitambo zvakanyanya, iye zvino mave kumanikidzwa kuenda kuBarbourfields Stadium kuBulawayo kunoona chikwata chenyu — Dynamos,” vanodaro VP Chiwenga.

“Izvi zvakonzerwa nekanzuru yatadza kugadzira pamwe nekuvandudza Rufaro Stadium. Izvi zvinotishungurudza zvakanyanya muZanu-PF nekuti seHurumende tinokurudzira nyaya dzemitambo nekutandara.

“Vanhu vanenge vapedza mazuva vachishanda kumabasa nesimba, dzimwe nguva vanoda kuona nhabvu senzira yekuzvivaraidza uye kuti vambozorodza pfungwa,” vanodaro.

Zvakadai, Stix anoti Zifa inofanirwa kushanda pamwe chete neshasha dzakambonetsa munhabvu vabatsirane mukusimudzira mutambo uyu.

“Tinogara tichitaura nguva nenguva kuti shandai nemagamba akanetsa munhabvu, huyai kwatiri munzwewo pfungwa dzedu tiite mushandirapamwe mukusimudza nhabvu yedu.

“Isu chatinoda kuona nhabvu yedu ichienda mberi chete kwete zvakawanda. Kumapurovhinzi akasiyana moisa zvikwata zvemagamba zvinenge zvichishanda zvisimudzira nhabvu, munotoona ichisimukira,” anodaro Stix.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey