Makoto omirira Zim kuChess World Cup

27 Jul, 2023 - 18:07 0 Views
Makoto omirira Zim kuChess World Cup Rodwell Makoto

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Chess Federation riri kutumira mutambi wechess ane mukurumbira – Rodwell Makoto – kuBaku kuAzerbaijan uko achanokwikwidza kumutambo weChess World Cup kutanga nemusi weSvondo.

Makoto, uyo anove International Chess Master, akawana tikiti rekuenda kumutambo uyu zvichitevera kuhwina kwaakaita mutambo weCBZ Chess World Cup Qualifiers wakatambwa munaNdira kutanga kwegore rino. Aka kachange kari kechipiri Makoto achienda kuWorld Cup uko akamboenda mugore ra2021 kuSochi, kuRussia.

Akafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Chess Federation (ZCF), Muchanakirwa Mkanganwi, anokurudzira nyika kuti ibatane mukutsigira Makoto.

“Rodwell Makoto haangori mutambi wechess chete ari kumirira nyika uye mucherechedzo wakanaka kune vatambi vechess vechidiki vakawanda muZimbabwe nemuAfrica.

“Anogara achirakidza zvakakoshera kumirira nyika izvo anoita achisimudzira mureza weZimbabwe.Tiri kumutsigira Rodwell sesangano apo akatarisana negomo guru rekutamba naGrandmaster Abasov Nijat uye tiri kukurudzira nyika yese kuti tibatane mukutsigira mutambi wedu.

“Tinotenda FIDE nekuramba ichitiona Zimbabwe nekutitsigira kuti mutambo wechess usimukire munyika,” anodaro Mkanganwi.

Makoto achasimuka nemusi weChishanu akananga kuBaku uye mumwe wevatambi vari kumirira dunhu reSouthern Africa vanosanganisira vamwe vakaita saIntenational Master Daniel Cawdery wekuSouth Africa, International Master Chitumbo Mwali wekuZambia pamwechete naInternational Master Buekes Dantes wekuNamibia.

Mutambo weFIDE Chess World Cup uchange une vatambi 206 vachabva kunyika dzakasiyana pasi rese

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey