Uncategorized

Makunakuna anyanya . . . Muchinda odanana nembwa . . . Ambuya nemukuwasha . . .

03 Dec, 2020 - 10:12 0 Views
Makunakuna anyanya . . . Muchinda odanana nembwa . . . Ambuya nemukuwasha . . . Mambo Makope

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAMBO Makope vekuMvurwi, kuMashonaland Central, vanoti vari kushushikana nekushaya hunhu kuri kuitwa nevamwe vanhu vemudunhu ravo vari kushinha nezvipfuyo uyewo nevakuwasha vari kupinda murudo nemadzimbuya vavo izvo zvinopesana netsika nemagariro evanhu vatema.

VaJacob Mapirinjanja, avo vanova Mambo Makope, vanoti seimwe nyaya ichangobva kusvika mudare ravo, kune kakomana kane makore 14 okuberekwa kekupurazi rekwaTara ako kari kunzi kakawanikidzwa kachishinha nembwa.

“Makunakuna anyanya mudunhu mangu, zvimwe ndizvo zvave kuita kuti mvura isanaye zvakanaka.
“Izvozvi ndine nyaya yandichangonzwa yekuti kune mukomana wemakore gumi nemana okuberekwa uyo akawanikidzwa achiita bonde nembwa musango riri padyo nemisha.

“Tinewo madzimai ari kudanana nevakuwasha imo muno. Iyi yemukomana wekuita rudo nembwa tave kutogadzira masamanisi ekuti auye kudare nevabereki vake nekuda kwezera rake sezvo ari mwana, toona kuti tinoifambisa sei,” vanodaro Mambo Makope.

Vanoti mukomana uyu anonzi akawanikidzwa nemusi weChina chadarika nevanhu vaizvifambira papurazi iri.

Asst Comm Nyathi

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti kushinha nemhuka imhosva inosungisa.

“Vanhu ava ngavasvitse nyaya iyi kumapurisa mukomana uyu asungwe aendeswe kumatare edzimhosva,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Kwayedza yakashanyira dunhu iri nemusi weChina ndokushaya mukomana uyu asi amai vake vanotsinhira nyaya yekuti mwanakomana wavo ari kupomerwa kudanana nembwa.

“Chokwadi nyaya iyi yakaitika pakauya vanhu pano vachiti mwana wangu awanikidzwa musango achiita bonde nembwa inova nyaya yakandishamisa. Hamheno, pamwe kuvengwa, ndingaite muroora wembwa here ini chokwadi?
“Mwana ndakazomubvunza akati akawanikwa achiita tsvina musango ndokubva atanga kurohwa nevarume vaviri avo vakazomumanikidza kuti aite bonde nembwa ivo vachiona. Asi ini handina humbowo nazvo,” vanodaro.

VaBetter Purumero (43) vanoti ndivo vakabatikidza mukomana uyu achishereketa nembwa musango riri padyo nepamba pavo.

“Ndaiva pamba pangu masikati chaiwo apo ndakaona mbudzi dzangu 7 dzakatarisa kusango uku ndokufunga kuti dzaiona chikara sezvo kuno kuine nyoka.

“Ndakafamba ndichienda kwaiva nembudzi ndokutarisa uko mbudzi dzaiva dzakatarisa ndikaona mukomana uyu achiita zvinyadzi nembwa.

“Ndakanyangira kusvika paari, paakandiona akabva atiza ndokuedza kunohwanda pachigutsa adarika mugwagwa wemota,” vanodaro VaPurumero.

Vanoti vakazoenda kunozivisa vabereki vemukomana nezvenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey