Makuwerere kuTanganda half marathon

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa svondo rino nemusi weSvondo kwaMutare uko shangwiti dzekumhanya mujaho dzinosvika 600 dzichakwikwidza mumakwishu eTanganda half marathon.Operations manager weTanganda Tea, Farai Garai, anoti mujaho uyu wakura zvikuru zvekuti shasha dzekune dzimwe nyika dzakaita seKenya neTanzania dziri kuvafonera dzichibvunza kuti vanonyeresa sei kuti vapinde mumakwikwi aya.

“Achange ari makuwerere ega-ega svondo rino nekuti takaronga hudobi-dobi kwaMutare kumujaho wemarathon.

“Tanganda half marathon yakura zvikuru izvo zvatiri kuona tega nekuti tanzwa nekufonerwa nevanhu kubva kuKenya neTanzania nedzimwe nyika vanoda kuziva nezvemujaho uyu.

“Uyu hausisiri mujaho weZimbabwe chete asi Africa yose nekuti shasha dzekune dzimwe nyika dziri kuda kuuya kuzokwikwidza. Zvikafamba zvakanaka tinofunga kuti panogona kuuya vanhu vanopfura 600 avo vakakwikwidza gore radarika, kuzokwikwidza gore rino,” anodaro Garai.

Mujaho uyu uchakwikwidzwa mumapoka anoti open race 21 km, wheelchair 21 km, veterans 10 km, masters 10 km, tertiary 10 km, secondary 10 km nerelays 10 km.

Chero zvazvo Garai achiti mujaho wavo uri kukura, anoti gore rino zvinogona kuremera vakawanda kuenda kunokwikwidza nekuda kwekunetsa kuri kuita kuwana mari munyika sezvo vanokwikwidza vachifanirwa kuzvibhadharira mari yezvifambiso neyepekurara.

“Gore rino, shasha dzakawanda dzinogona kukundikana kuuya nekuda kwekunetsa kuri kuita mari. Asi tinovimba kuti vakawanda vachauya havo sezvo zuva nezuva vari kungofona vachibvunza nezvemujaho uyu,” anodaro Garai.

Gore radarika, kelvin Pangiso ndiye akahwina mubairo mukuru wemujaho we21 km kuvarume, kozoti kumadzimai mukombe wakaenda naRutendo Nyahora.

Makwikwi ewiricheya kuvarume, akahwinhwa naElford Moyo uye kumadzimai Tandiwe Ndlovu ndiye akahwapura mubairo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey