Makwikwi eAfrican Volleyball oitwa

04 Sep, 2023 - 10:09 0 Views
Makwikwi eAfrican Volleyball oitwa Mxolisi Ndlovu

Kwayedza

Abel Ndooka

ZVIKWATA 10 zvekunze zviri kutarisirwa kuuya munyika kuzokwikwidza mumutambo weAfrican Volleyball Confederation Zone VI Senior Indoor Nations Champions munguva pfupi inotevera.

Mutambo uyu uchatambwa munaGunyana uye uchange une zvikwata zvakasiyana, kunyanya zvichabva mudunhu reSouthern African Development Community (Sadc).

Aka kachange kari kekutanga mutambo uyu kurongwa apo uri kutambirwa kuCity Sports Centre muHarare.

Zvikwata zvekunze zvichauya kuzokwikwidza zvinotarisirwa kusvika munyika nemusi wa22 Gunyana uye mutambo uyu uchizopera nemusi wa1 Gumiguru.

Mutungamiri weZimbabwe Volleyball Association — Mxolisi Ndlovu — anoti nyika dzemuAfrica, kunyanya dzemuZone VI, dzakagara pasi ndokuona kuti zvikwata zvavo hazvisi kutamba mitambo yakawanda yevolleyball saka vakatsidzirana kuti vatange kuronga mitambo yakaita seiyi.

Anoti mitambo yevolleyball yaitambwa nezvikwata zvenyika mishona izvo zvaiona zvichingotamba inosanganisira kurwira kuenda kumaAll Africa Games nekumaOlympics chete.

“Nyika dzemuAfrica, kunyanya muZone medu, takagara pasi tikazviona kuti zvikwata zvedu hazvisi kutamba mitambo yakawanda yevolleyball. Tinongomirira kutamba mitambo yekurwira kuenda kumaAll Africa Games nekumaOlympics chete, saka takatsidzirana kuti tironge mitambo iyi yeSenior Indoor Nations Championships kuitira kuti tipe zvikwata zvedu mitambo yakawanda yekutamba.

“Isu seZimbabwe tisu takabva tapihwa chiremerera chekuronga mutambo wekutanga uyo uchatambirwa muno munaGunyana.

“Tiri kutarisira kuti nyika 10, kunyanya dzemuSadc, dzichatumira zvikwata zvichazouya kuzokwikwidza pamutambo uyu,” anodaro Ndlovu.

Nyika dziri kutarisirwa kuzouya dzichatakura zvikwata zviviri zvinoti chevarume nechemadzimai.

Ndlovu anoti pari zvino, apo vari mushishi kuita gadziriro dzemutambo uyu, vachiri kunzwa kunyika dzakasiyana kuti ndedzipi dzichabudirira kuuya kuzokwikwidza.

“Pari zvino nyika dzinoti Zambia neMozambique ndidzo dzakatotizivisa kuti dziri kubudirira kuuya kumutambo uyu, vamwe tichiri muhurukuro navo. Asi tine chivimbo chikuru chekuti nyika dzinosvika 10 dzichauya kuzokwikwidza pamutambo uyu,” anodaro Ndlovu

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey