Uncategorized

Makwikwi emachechi ekuimba otanga

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
Makwikwi emachechi ekuimba otanga VaNorbert Mavunga

Kwayedza

Milcah Nhakura
BHANGA reZB Bank rinoti rakazvipira kudzorera kunharaunda kuburikidza nekuita zvirongwa zvinosimudzira upenyu nemagariro evanhu.

Izvi zvakataurwa naVaRonald Mutangayi, avo vanova chamangwiza weZB Bank, mumashoko avakaverengerwa naVaShadowsight Kadzange Chiganze nemusi weChipiri uno muHarare pakuparurwa kwechirongwa chemakwikwi emachechi ekuimba nziyo dzechitendero, eUnlocked Church Competitions.

VaMutangayi vanoti bhanga ravo rine chido chekusimudzira raramo yevanhu munharaunha dzakasiyana.

“SeZB Bank, mwedzi yakadarika iyi takatora danho rekutanga kuzvishambadza pamwe nekusimudzira nharaunda.

“ZB Bank yakazvipira mukusimudzira mabasa ane chekuita nevanhu vari munharaunda anosanganisira zvemitambo, dzidzo nezvimwe,” vanodaro.

Makwikwi ekuimba emachechi aya achatanga musi wa1 Chikumi apo zvikwata zvichatatsurana kuHarare Gardens.

Mukuru weCapital Seven Business Centre, VaNorbert Mavunga — avo vari kuronga makwikwi aya — vanoti matikiti acho achatengeswa munguva inotevera uye vanhu vachavhotera zvikwata zvavanofarira kuburikidza nemaSMS.

“Munguva pfupi inotevera tinotarisira kuti tichange totengesa matikiti emakwikwi aya kune vanoada uye vanhu vachavhotera zvikwata zvavo zvavanofariria.

“Zvikwata zvingade kukwikwidza mumakwikwi aya zvakasununguka kuzonyoresa uye pachena,” vanodaro VaMavunga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey