Malaria: Zviratidzo nekudziviriro

15 May, 2015 - 00:05 0 Views
Malaria: Zviratidzo nekudziviriro

Kwayedza

CHIRWERE chemalaria chinotapurirwa kubva kumunhu nemunhu neumhutu kana kuti utunga uye chakanyanya kuipisisa kana chichinge chabata vana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa nemadzimai akazvitakura.

Zvekare nyaya dzekushanyira nzvimbo dzinonyanya kuzivikanwa kuti dzine utunga uye chirwere ichi dzinofanira kungwarirwa nekuti ndipo panobva mikana mizhinji yekutapurirwa malaria.

MuZimbabwe, chirwere chemalaria chakanyanya kutekeshera kuzvimbo dziri pedyo neZambezi Valley, Sabi neLimpopo Valley idzo dzinodziya zvinova zvinobatsira mukuberekwa kweutunga kana kuti umhutu.

Nyaya zhinji dzechirwere chemalaria dzinowanzoitika mumwedzi waKukadzi kusvika kuna Chivabvu apo mvura inojenga pose-pose.

Mumwedzi waChikunguru naNyamavhuvhu, kunze kunenge kuchitonhora nokudaro malaria anodzikira sezvo umhutu husingabereki munguva yechando.

Zviratidzo zvemalaria:

Zvimwe zvezviratidzo zvemalaria zvinosanganisira kutemwa nemusoro, kupindwa nechando, kupera simba nekudikitira uye marwadzo acho achigona kutora maawa angaite matanhatu.

Murwere wemalaria anorasa mvura inenge yakasviba, kureva kuti inenge yave neruvara rwakadzama kupinda rwemvura yaaimborasa asati ave nechirwere ichi.

Malaria anodzivirirwa sei?

Nzira kwayo yekudzivirira malaria kuona kuti umhutu hwaregera kuruma munhu.

Kushandiswa kwemambure anodzivirira kurumwa neumhutu (mosquito nets) kwakakosha zvikuru munguva dzeusiku.

Mambure iwayo anoiswa mishonga inoita kuti kana umhutu hukamharapo hunobva hwafa pakarepo.

Vanhu vanofanira kuvhara makomba anojenga mvura nekuti ndimo mumwe munoberekera umhutu.

Zvakakoshawo kuti vana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa nemadzimai akazvitakura vanwe mishonga inovadzivirira kumalaria (anti-malaria tablets).

Zvimwe chetezvo nevanhu vanenge vachishanya kunzvimbo dzine chirwere ichi, vanofanira kunwa mishonga iyi kana kuzora mafuta anoita kuti vasarumwa neumhutu.

Chirwere chemalaria chinogona kuita kuti madzimai akazvitakura aparadzike pamuviri kana kubara vana vanenge vasina kunyatsokura zvakanaka.

Kana murwere wemalaria achinge ave kuita pfari, chinogona kunge chave chiratidzo chekuti inenge yave malaria yakadzama, iyo ingange yapinda muuropi (cerebral malaria).

Cerebral malaria inogona kuuraya kana ichinge yanonokerwa kurapwa.

Zuva reWorld Malaria Day rinogarocherechedzwa nomusi waKubvumbi 25 gore negore.

Zvakadaro, vanhu vanodarika 3 miriyoni pasi rose vanonzi vakadzivirirwa kuti vasabatire utachiona hwemalaria nekuda kwematanho ari kutorwa nevanoona nezveutano.

Zvekare pasi rose, vanhu 3,2 bhiriyoni vanonzi vane mikana yekubatwa nemalaria apowo 60 000 vakarasikirwa neupenyu nekuda kwechirwere ichi. MuAfrica bedzi, vanhu 1 400 vanonzi vanofa nekuda kwemalaria zuva nezuva.

Gore rino mhemberero dzeWorld Malaria Day dzakaitwa pasi pedingindira rinoti: “Ngatirongerei remangwana, ngatikundei malaria”.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey