Uncategorized

‘Malema chengeta vana vako’

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

MURUME wekunzi akambozama noto achinyengedza mudzimai wake achida kuti arege kumumhan’arira kudare remendenenzi akazozviruza mushure mekunge atadza “kujingirisa” sezvaanonzi aigara achitaura kuti awane mari yekuriritira mhuri.

Sheba Shangu akaudza mutongi wedare reHarare Civil Court kuti anzwa nekunyeperwa nemurume wake, Simon Malema, panyaya yekuriritira vana vavo.

“Ndanzwa nekunyeperwa nemurume uyu achiti ndisamuendese kumendenenzi nechikonzero chekuti anozvizivira ega kuti vana vakafanira kuchengetwa. Asi ndatosvika pandazvionera kuti ari kungovavarira kuti vana vasvike makore 18 okuberekwa zvobva zvangovharana zvakadaro,” akadaro.

Akati Malema haasi kubhadhara mari yevana yechikoro zvakare.

“Kutaura kuno haana kana chaanoitira vana. Mukuru wacho anoenda kuchikoro atori nechikwereti kwaanodzidza. Ndakamuudza uyu akati achajingirisa zvino handichazive kuti kujingirisa kwacho ndiko kwekundivhara here,” akadaro Shangu.

Akati Malema ari kutosasana achidya nyika rutivi asi vana vake vachishaya anochengeta.

“Ndinoda kuti andipe $150 ndichengete vana vake. Akaroora zvake asi haasati ava nevana saka pari zvino mari yake haisati yanyanyoremerwa zvekuti angatadze kuchengeta vana vake. Ari kutoita zvake zvekusanana. Ini ndiri house girl, ndinowana $100 pamwedzi saka akandipawo $150 zvinobatsirana,” akadaro .

Malema akaudza dare kuti akange achichengeta mhuri yake pane zvose zvinodiwa nekudaro hapana chikonzero chekuti abhadhare mendenenzi.

“Vana vangu ndinochengeta ini. Hembe nechikafu zvose ndinovatengera saka handione chiri kunyanya kunetsa apa. Kungotiwo zvake anoda kundishungurudza asi ndiye akauya akatora vana akaenda navo achinovaisa pachikoro chandisingagone kubhadhara. Ndakamuudza kuti mari yakawandisa handiikwanise akati ndipo paanoda kuti mwana adzidze saka ngaabhadharezve mari yacho,” akadaro.

Malema akati haakwanise kubhadhara mari yaidiwa naShangu nekuti basa rake rekuvaka harimuwanise mari yakawanda.

“Ini ndiri muvaki, ndinowana mari kana ndatowanawo pekushanda. Mari yandinokwanisa kupa vana vangu i$30. Mari yaari kutaura ndinogona kutopedza mwedzi ndisina kana kuibata mumaoko,” akadaro Mulema.

Mutongi Barbra Mateko akati Mulema anofanira kubhadhara $60 pamwedzi yekuchengeta vana vake kutanga musi wa30 Gumiguru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey