Mamwe majekiseni eCovid ouya

18 Mar, 2021 - 13:03 0 Views
Mamwe majekiseni eCovid ouya Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

MAJEKISENI 1 miriyoni kubva pa1,2 miriyoni emushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 ayo ari kubva kunze anotarisirwa kusvika muZimbabwe pakupera kwemwedzi uno kana kutanga kwaKubvumbi.
Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburistwa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro — Senator Monica Mutsvangwa — vanoti Zimbabwe iri mugwara pakurwisa kupararira kweCovid-19.

“Majekiseni 1 miriyoni kubva pa1,2 miriyoni ari kubva kunze anotarisirwa kusvika panopera mwedzi waKurume kana kutanga kwaKubvumbi,” vanodaro.

Izvi zvinotevera kusvika kwakaita mamwe majekiseni 400 000 emushonga uyu munyika muno nemusi weChipiri.
Pamajekiseni 400 000 aya, 200 000 akapihwa Zimbabwe nenyika yeChina kuchiti mamwe 200 000 akaita zvekutengwa.

China yakambopa Zimbabwe mamwe majekiseni 200 000 nguva pfupi yadarika.
Hurumende ine chinangwa chekuti vanhu vanosvika 10 miriyoni vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 senzira yekurwisa kupararira kwedenda iri.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 39 550 vange vabaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.
Nekune rimwe divi, kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 36 535 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.
Pavarwere ava, 34 124 vakatopona asi vamwe 1 507 vakafa.

Sen Mutsvangwa vanoti pane hurongwa hwekusimbaradza shambadzo pamusoro pechirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni nedonzvo rekuti huwandu hwevanobaiwa husvike chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika.

“Zvakakosha kuti vanenge vabaiwa majekiseni aya varambe vachitevedzera zvinodiwa neWorld Health Organisation (WHO) maringe nekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi izvo zvinosanganisira kusaita chitsokotsoko, kupfeka mamasiki, kugeza maoko (nemvura ine sipo) nekushandisa sanitizer,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti dare reCabinet rakapa chisungo chekuti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni chepiri (Stage Two of Phase One) chitange izvozvi.

Vachabaiwa pasi pechirongwa chepiri ichi vanosanganisira vashandi vari mumabasa efodya, varairidzi vemuzvikoro nevashandi vemuchikamu chezvekushanyirwa kwenyika.

“Cabinet yakawirirana zvakare kuti mitambo yose ichitanga kutambwa asi pachitevedzwa matanho ekurwisa Covid-19. Nzvimbo dzemabhizimisi dzinodyira vanhu (restaurants) dzave kutenderwa kuvhurwa, pasi pemitemo yakasimba iri maringe neCovid-19.

“Vachabatwa vachityora mitemo mabhizimisi avo achavharwa ipapo,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Mitambo yose munyika muno yakamiswa munaKurume wegore rapera senzira yekuedza kumisa kupararira kweCovid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey