Uncategorized

Mamwe matanho ekurwisa Covid-19

07 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Mamwe matanho ekurwisa Covid-19 Dr Nyoni

Kwayedza

Tandayi Motsi
HUWANDU hwevanhu vari kuvhenekwa hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 hwakakwira kubva pa559 kuenda pa1 330 pasvondo zvichitevera kuwandawo kwevari kuwanikwa vaine chirwere ichi.

Mashoko aya akaziviswa nemusi weChitatu naDr Sithembiso Nyoni, avo vakafanobata chigaro chegurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, mushure memusangano wedare reCabinet.

Zimbabwe pari zvino yava nevanhu 4 339 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pahuwandu uhu, 1 264 vakatonaya asi vamwe 84 vakafa.

Huwandu hwevanhu vafa hwakwira kubva pa81 kuenda pa84 zvichitevera kushaika kwevamwe vatatu nemusi weChitatu.

Vatatu ava vanoti murume aiva nemakore 66 okuberekwa nemukadzi wemakore 60, vose vekuBulawayo, nemurume zvakare aiva nemakore 79 okuberekwa wekuManicaland.

Vanhu 142 219 vavhenekwa coronavirus munyika yose kusvika pari zvino.

Dr Nyoni vanoti nekuda kwekukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi, vari kuvhenekwa vakakwirawo

“Zvichitevera huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19, huwandu hwevari kuvhenekwa hwakakwira kuenda pa1 130 kubva pa559 pavhiki pakupera kwesvondo ra24 Chikunguru 2020. Chikamu che75 percent chekuvhenekwa uku chiri kuitwa nezvipatara zveHurumende,” vanodaro.

Vanoti senzira yekuchengetedza utano hweveruzhinji mumisika inotengeswa zvirimwa nezvimwe zvekudya iyo inogara yakawanda vanhu, nzvimbo idzi dzichange dzovhurwa kwemazuva matanhatu pasvondo kuitira kuti pave nemukana wekuti dzifiritwe nemishonga inouraya hutachiona.

Dr Nyoni vanoti vose vanoita basa rekutengesa zvinhu mumisika vanofanira kuita hutsanana hunosanganisira kushandisa mishonga inouraya hutachiona yemasanitiser nekugeza maoko nesipo nemvura inochururuka.

“Pachaitwa chirongwa zvakare chekupa chenjedzo yekukurudzira mashandiro matsva pakati pevanotengesa nevatengi munzvimbo dzinoungana veruzhinji. Hurumende ichatora zvakare matanho ekuona kuti veruzhinji vatevedzera zvavanokurudzirwa kuti vaite munzvimbo dzinoungana vanhu,” vanodaro Dr Nyoni.

Vanoti zvichitevera zviri kuitika kuSouth Africa zvekudzikiswa kwemazuva anochengetwa mitumbi yevanhu vanenge vafa, Cabinet yakaita chisungo chekuti mitumbi yevasina magwaro akakwana ikwanise kuuya kuzovigwa kumusha.

“Cabinet yakapa masimba kumahofisi anomirira Zimbabwe kuSouth Africa panguva ino yeCovid-19 kuti vafambise basa rekuunzwa kwemitumbi yeavo vanenge vasina magwaro akakwana zvichibva paumboo hunenge hwabva kuna mambo/sabhuku kana hama dzemufi muZimbabwe,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey