Mancini achaedza kutenga Ivanovic

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

ROBERTO Mancini anonzi achaedza kutenga Branislav Ivanovic kuti agouye kuzotambira Inter Milan uye nekumupa kondirakiti yemakore maviri.
Kondirakiti yaIvanovic kuChelsea inotarisirwa kupera mwaka uno uye anogona kutanga kutaurirana nezvimwe zvikwata muna Ndira mwedzi unotevera kana achida kuzobva kuchikwata ichi.

Zvinonzi Ivanovic ange achida kuramba achitambira nhabvu yake kuStamford Bridge uko kwaave nemakore manomwe ari asi kusvika parizvino hapana tarisiro yekuti anogona kupihwa imwe kondirakiti.

Inter Milan yekuItaly yave kuedza nepainogona kurwisa kuti mutambi uyu aende kunovatambira kutanga mwaka unotevera.
Inter iri kuda kupa Ivanovic kondirakiti yemakore maviri, kwete yegore rimwe iyo yaanogona kuwana kuChelsea, asi hunge vakati vanoda kumupa imwe kondirakiti.

Shasha dzePremier League idzi dzine mutemo wekuti dzinongopa kondirakiti yegore rimwe chete kune vatambi vadarika makore 30 ekuberekwa.

Mumiriri waIvanovic akarakidza chiedza kuInter apo akati chizvarwa chekuSerbia ichi haazive kuti remangwana racho rakamira sei.
Mushure mekunge ati Ivanovic anogona kusaina imwe kondirakiti, akati, “Munhabvu zvinhu zvese zvinogona kungoitika. maNerazzuri (Inter) vanogona kunge vachida kumutenga pachapera mwaka uno kwete kumutenga muna Ndira.”—Daily MirrorFootball

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey