Mandwandwe, Sakubva High 1 zvakadadisa

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

ZVIKORO zvinoti Mandwandwe High School yekuBulawayo neSakubva 1 High kwaMutare ndizvo zvakahwina mumitambo yeNational Association of School Heads Softball Championships Under 20 and 16 Tournament yakatambirwa paMilton High School kuBulawayo.

Kumitambo yeUnder-20, Mandwandwe yakakunda Nemakonde High School yekuMashonaland West 12-8 mufainari ndokuhwiniswa US$250, mukombe nemenduru yegoridhe.

Kuboka reUnder-16, Sakubva 1 yakakunda Nemakonde 3-1 ndokuwana mukombe, menduru pamwe nemari.

Mitambo iyi yaive nezvikwata 32 zvakabva kumapurovhinzi masere uye imwe neimwe yakatumira zvikwata zvina – zviviri zveunder-20 nezviviri zveunder-16.

Secretary General weZimbabwe Softball Association, Witness Nkomo, anoti mutambo weSoftball uri kukura zvakanyanya uye wave kutambwa kumapurovhinzi akasiyana.

“Softball yasimuka zvinonwisa mvura zvatiri kuyemura tega isu uye tinovimba kuti mumakore anotevera mutambo uyu unge wave kutambwa kumapurovhinzi ose.

“Parizvino mapurovhinzi mashoma asara chete asingatambe mutambo uyu asi tiri kushanda navo tichivakurudzira kuti mutambo uyu utange kutambwa kuzvikoro zveko,” anodaro Nkomo.

Mutambo weNash Softball National High Schools Explosion wakarongwa kuburikidza nemari yakabva kuNash sezvo usati wave nevakotsveri.

Nkomo anoti sangano ravo riri kushanda zvakasimba kuti ritsvage vakotsveri kuti mutambo uyu usimukire.

“Takamboedza kutsvaga vakotsveri asi vazhinji vaiti vanoda kudira mari mumutambo unotambwa mumapurovhinzi ose uye isu tiri kutoshanda zvakasimba kuti ukure usvike kumapurovhinzi ose.

“Tinovimba kuti mukufamba kwenguva mune ramangwana redu tinge tave nevakotsveri vakasimba vanodira mari yekubatsira kuronga mitambo yakasiyana,” akadaro Nkomo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey