Uncategorized

MAONERO EDU: HIV/AIDS: Ziva chaipo paumire

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
MAONERO EDU: HIV/AIDS: Ziva chaipo paumire

Kwayedza

SVONDO rapera takaburitsa nyaya iri pamusoro pahwindi mukuru wemuguta reHarare, uyo anoti vamwe vake vaanoshanda navo mubasa iri vari kupera neHIV neAIDS nekuda kwekutadza kuzvibata mukurarama kwavo.

Sekutaura kwaSolomon Mandela uyo anozivikanwa nezita rekuti Mukoma Solo anoti mahwindi vanhu vanogara vakabata mari yakawanda, asi vazhinji vavo havagone kuzvibata panyaya dzemafaro zvekuti vanopedzisira vapinda munataisireva.

Solo anoti mahwindi anozivikanwa zvakare nekutora zvinodhaka uye havana hanya neupenyu hwavo. Kana munhu akatora zvinodhaka semusombondiya uyo unonzi unonwiwa zvakanyanya nemamwe mahwindi anenge achikanganisa utano hwake.

Kazhinji kana munhu adhakwa, ndipo paanoisa utano hwake panjodzi zvekuti anogona kungoita bonde nevanotengesa miviri yavo pasina dziviriro nekuti mafungiro ake anenge asiyana neapo paanenge asina kudhakwa. Mukurarama, vanhu vashoma vanokwanisa kubuda pachena sezviri kuitwa naSolo pamusoro penhaurwa yeHIV neAIDS.

Nyaya dzerudzi urwu hadzitaurwe pachena nekuda kwekuti vanhu vanenge vachitya rusarura. Asi kubuda pachena kuri kuitwa naSolo pamusoro pevamwe vake kwakakosha zvikuru nekuti kunopa mukana kumasangano anorwisa kupararira kweHIV neAIDS kuti vakwanise kuve nezvirongwa zvavanoita neboka remahwindi.

Kune vamwe vanogona kufunga kuti dzimwe nguva Solo ave “kufarisa” asi kwete, ndizvo zvinotodiwa. Chikwadi ngachitaurwe sezvachiri.

Vakuru vanoti mwana asingacheme anofira mumbereko nekudaro gwara ratorwa naSolo rakanaka nekuti rinoita kuti vamwe vake vakwanise kubatsirika nguva ichiripo.

Hongu, kune mamwe mahwindi anogona kunge asina kufarira zvakataurwa naSolo asi mbudzi kuzvarira pane vanhu kuti itandirwe imbwa. Mahwindi ari panyatwa yekutapurirwa HIV nekuda kwekuti vanoshanda nevanhu vakawanda zuva nezuva izvo zvinoita kuti vaya vasingazvibate vapedzisire voita meso-meso.

Semaonero edu, zvakakosha kuti kune avo vasingagone kuzvibata vashandise dziviriro semakondomu pakuita bonde.

Upenyu hunokosha nekudaro hunofanirwa kuchengetedzwa kwete kuitwa hwedambe naho.

Masangano anorwisa kupararira kweHIV anogara achikurudzirwa veruzhinji kuti vazive pavamire kuburikidza nekuvhenekwa utachiona hweHIV. Kune vamwe vachiri kutya kuvhenekwa utachiona uhu nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Asi, zvakakosha kuti munhu avhenekwe nguva ichiripo uye kana aonekwa aine utachiona kweHIV obva apinda pachirongwa chekunwa mapiritsi ayo anorebesa kurarama kwake. Zviri nyore kuti munhu atange kunwa mapiritsi utachiona hweHIV husati hwadingindira mumuviri.

Kune avo vanotya kuenda kunovhenekwa HIV kuzvipatara, kumakiriniki kana kune mamwe masangano vanogona kutenga midziyo yekuzvivheneka voga. Chinonetsa ndechekuti kune vakawanda vasingade kubuda pachena panyaya yeHIV neAIDS.

Kunyangwe parufu chaipo, vanhu vachinyatsoziva kuti munhu afa nekuda kweHIV neAIDS, havazvitaure asi kuti vanogona kuti akaroyiwa, votanga kupumhana huroyi pachavo.

Kwete, yakwana kunguva yekuti vanhu vabude pachena panhaurwa iyi sezviri kuitwa naSolo nechinangwa chekuti veruzhinji vadzidze.

Zvakakosha kuti mumwe nemumwe azive paamire nguva ichiripo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey