Uncategorized

MAONERO EDU: Murimi gara wagadzirira

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
MAONERO EDU: Murimi gara  wagadzirira

Kwayedza

BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department (MSD), rinozivisa kuti mvura inotarisirwa kutanga kunaya yakawanda kumatunhu mazhinji enyika kuvamba nemusi weChishanu chino zvichienda mberi. Kunaya kwemvura iyi yakawanda zvinogona kureva kutanga kwemwaka weZhizha nekudaro varimi vanotarisirwa kutanga kudyara mbesa dzavo dzakasiyana, kusanganisira chibage.

Murimi akangwara pari zvino akatogadzirira kare kuburikidza nekutenga zvinodiwa pakurima sembeu, mafetireza nemishonga yacho.

Kugara murimi akagadzirira zvinobatsira mukuronga basa rake nenguva pane kuzomhanya-mhanya nguva yapera.

Vamwe varimi vakatorima minda yavo kare zvekuti chavangomirira bedzi kuti mvura ichingoturuka, votodyara.

Asi kune vamwewo vachiri kutotsvaga miromo yekuisa pamagejo panguva ino uye zviri pachena kuti vakadai ava vari mumashure menguva.

Kune vamwewo vasina chokwadi chekuti mwaka uno vorima here kana kuti vorega zvichitevera mashoko anoti mvura inogona kushomeka nekuda kweEl Nino. Vanamazvikokota vezvemamiriro ekunze vanoti kazhinji kacho, El Nino inokonzera kuti mvura inaye iri shoma.

Nyanzvi idzi dzinoti zvakare chikamu che62 percent cheEl Nino yakamboitika makore adarika, mvura yakanaya iri shoma muZimbabwe, izvo zvakaita kuti nyika ino iwane mvura ine chikamu che40 percent.

Asika, hazvirevi kuti kana kukanzi kune El Nino murimi obva akanda badza rake kure orega kurima. Tinodaro nekuti kurima ndiwo musimboti webudiriro yeupfumi hweZimbabwe uye kuti maindasitiri asimukire, zvose zvinobva mukurima. Nekuda kwemamiriro ezvinhu ekuti mvura inogona kushomeka, zvave kureva kuti panoda kushandiswa hungwaru apo murimi anorima mbesa dzinokasika kuibva uye dzinotivirira muzuva. Imwe nzira kusiyanisa mbesa pakudyara. Hazvina huchenjeri kurega kurima zvachose nekuti zvinogona kuitika kuti mvura inobva yanaya yakawanda, vaya nyope vofuma mangwana vozvidemba. Mwari voga ndivo vanoziva mamiriro chaiwo anenge akaita mwaka mumwe nemumwe kunyangwe zvazvo zvakakoshawo kutevedzera kurudziro inopihwa nenyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze. Pakadai apa panoda kuti murimi ashande nevarimisi kana kuti madhumeni emudunhu rake kuitira kuti apihwe mazano maringe nembeu dzakakodzera uye dzinochimbidza kuibva. Izvi zvakakosha nekuti matunhu anosiyana manairo anoita mvura, kupisa nezvimwe zvakadaro izvo zvinoita kuti pavewo nemusiyano zvakare wembeu dzinofanirwa kurimwa.

Nhasi uno veruzhinji vari kuchema zvikuru nekuda kwekukwira kwaita mitengo yezvinhu zvinosanganisira mafuta ekubikisa uye zvinhu izvi zvinodzikama chete kana pakave nebudiriro huru munyaya dzekurima.

Pasi pechirongwa chekuvandudza upfumi hweZimbabwe, cheTransitional Stabilisation Programme, budiriro munyaya dzekurima inoonekwa sehwaro hwakakosha zvikuru mukusimudzira nyika ino.

Nyika ino kare yaizivikanwa sedura rechikafu mudunhu rose reSadc uye hapana chinotadzisa kuti idzokere pachidanho ichi kana pakava nekushanda nesimba uye mushandirapamwe pakati pevarimi, Hurumende nemamwe mapoka akasiyana.

Murimi chaiye haatizwe nemwaka asi kuti anowanikwa akagadzirira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey