Uncategorized

Mapiritsi aya ane ngozi: dr pari

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Mapiritsi aya ane ngozi: dr pari

Kwayedza

‘Anouraya nekukuvadza veruzhinji’ l Munozvara zvirema – UZ professor

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti mapiritsi emhando yeAluminum Phosphide, ayo ari kushandiswa neveruzhinji kuuraya makonzo nezvipfukuto mukuchengetedza goho ane njodzi huru

kuupenyu hwavo uye imhosva kuwanikwa uchiatengesa.

Kwayedza yakaita ongororo pamusoro pemapiritsi aya muHarare ndokuona achitengeswa pamisika yemumigwagwa nemuzvitoro.

Mune zvimwe zvitoro, mapiritsi aya ari kuita US$43 ari 90 kuchiti pamusika wemukoto piritsi rimwe chete rinotengeswa US$1.

Dr Parirenyatwa vanoti mapiritsi aya ane njodzi huru kuutano kwevanhu uye anokanganisa nharaunda.

“Mapiritsi aya huturu hunodaidzwa kunzi phosphine. Saka zvaanoita kana achinge aiswa pachena, anotanga kunyungudika uye panguva yaanenge ari kunyungudika kudaro, anopedza mweya watinofema weoxgen kureva kuti mweya uyu unobva waita mushoma.

“Saka piritsi iroro kana richinge raiswa muimba mune gonzo, rinofa zvekusvika pakuoma. Mumba imomo kana muine vanhu, vanogona kufa kana kufenda nekuti vanenge vasisina mweya wekufema,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanoti imhosva huru kuti vanhu vawanikwe vachitengesa mapiritsi emhando iyi nekuti ane njodzi kunyangwe kune vanenge vari kure nawo.

“Mapiritsi aya anoderedza mweya wekufema, kureva kuti kunyangwe vanhu vari kure vanokanganiswa nawo vozoguma vave nezvirwere zvemapapu,” vanodaro.

Kunze kwemuHarare, mapiritsi aya anonzi atekeshera muZimbabwe apo varimi vakawanda vari kuatengeserwa vachinzi ndiwo bedzi anokwanisa kuuraya chipfukuto chanetsa, cheLarger Grain Borer (LGB). Mhando yechipfukuto ichi itsva muZimbabwe nekune dzimwe nyika uye chinonzi chakatangira kuAmerica.

LGB chipfukuto chiri kunzi hachife nemimwe mishonga yagara iriko, kunze kwemapiritsi anonzi naDr Parirenyatwa ane ngozi kuvanhu aya. Izvi ndizvo zviri kuita kuti varimi vashandise Aluminum Phosphide mukuchengetedza goho ravo pamwe chete nekuuraya makonzo netumwe tumbuyu.

Mashoko aDr Parirenyatwa anotsinhirwa naProfessor Brighton Mvumi vekuchikamu chinoona nezveivhu nekusimbaradzwa kwezvekurima kuUniversity of Zimbabwe, vachiti mapiritsi aya akaipisisa zvikuru.

“Mapiritsi kana kuti mushonga weAlluminium Phosphide wakaipisisa zvikuru.

“Asi tiri kuona kuti wakatekeshera muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo nemumikoto izvo zvinoratidza kuti vanoona nezvekudzivirirwa kwekutengeswa kwemishonga yakaipisisa iyi havasi kucherechedza zvakanyanya. Mushonga uyu unofanira kurambidzwa,” vanodaro.

Vanoti mapiritsi aya kana akafemwa nemadzimai akazvitakura, vane mikana yekuzvara vana vakaremara kana kuti vane dambudziko rekufema.

“Vanhu vazhinji vanoashandisa mukuuraya zvipfukuto, makonzo, nyoka nezvimwe zvipukanana. Kana akaiswa muimba mune nyoka kana kuti gonzo, rinowanikwa rakaoma.

“Zvipfuyowo zvinenge zviri munharaunda netwumwe twupukanana twunobatsira muraramo yedu (ecosystem) zvinoparadzwa nenguva diki nemishonga yakadai,” vanodaro Prof Mvumi.

Kunze kwekuva njodzi kuvanhu nezvipfuyo, vanodaro Prof Mvumi, mapiritsi aya anokanganisa zvakare nharaunda pamwe nekukonzera kusanduka kwemamiriro ekunze.

“Kana mafambisirwo emweya (life cyle) achinge akanganiswa, somuenzaniso kuti miti inotipa mweya wekufema weoxygen, kana mweya wemapiritsi aya ukapararira nenharaunda, zvinoreva kuti miti inofa kana kukundikana kutipa mweya wakakwana wekufema.

“Miti ndiyo zvakare inobatsira mukubata tsvina yemumhepo kuburikidza nemashizha ayo.

“Zvino kana ichinge yaparadzwa zvinoreva kuti vanhu vanenge vave kufema mhepo yakasviba uye mhepo yakasviba kana ichinge yawanda mudenga, inosvibisa makore zvoita kuti kuve nekusanduka kwemamiriro ekunze izvo zvinogona kuuya nenzira yekuwandisa kwemvura kana kupisa kwakanyanya,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey