Uncategorized

Mapoka ezvekushanya eUAE ouya kuZimbabwe

09 Mar, 2022 - 18:03 0 Views
Mapoka ezvekushanya eUAE ouya kuZimbabwe VaGodfrey Koti

Kwayedza

Prosper Ndlovu ari kuDubai, UAE

MAPOKA gumi anoona nenyaya dzekuronga kufamba kwevashanyi nematatu ezvenhau kubva kuUnited Arab Emirates (UAE) otarisirwa kushanyira Zimbabwe munguva pfupi iri kutevera nedonzvo rekuona nzvimbo dzinoyevedza nezvimwe uye achazobatsira mukushambadza nyika ino senzira yekudzoreredza chikamu chezvekushanyirwa icho chakadzoserwa kumashure nechirwere cheCovid-19.

Kushanya kwemapoka aya kunotevera hurukuro yakaitwa nesangano reZimbabwe Tourism Authority (ZTA) pachirongwa cheZimbabwe Dubai Tourism and Infrastructure Finance Conference, icho chakapera nemusi weSvondo kuDubai.

Zimbabwe ine chishuwo chekuti vashanyi vekuMiddle East vauye munyika muno zvichitevera kudyidzana kwakanaka kwainoita neUAE.

Kuve nemisika ine chitsama inobva vashanyi vekunze kwakakoshera Zimbabwe panguva iyo iri kuvandudza chikamu chezvekushanyirwa pasi rose zvichitevera kudzoserwa kwachakaitwa kumashure nechirwere cheCovid-19 kwemakore maviri adarika.

Muhurukuro pakupera kwemusangano wezvekushanyirwa uyu, mukushi wemashoko weZTA – VaGodfrey Koti – vanoti mamwe ematanho avari kutora mukuvandudza chikamu chezvekushanyirwa kushanda nemapoka anoronga kufamba kwevashanyi nechinangwa chekukwezva vashanyi vepasi rose.

“Vanhu vanokurudzira kushanya mapoka anoronga pamusoro pekushanya pamwe nemakambani acho uye ndivo vatiri kuda nekudaro vange vari pakati padzimwe nhengo dzapinda musangano uyu,” vanodaro VaKoti.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nekuda kwaizvozvo, takaronga kukoka mapoka anoona nezvekushanya anosvika gumi nematatu enhau kuti vauye kuZimbabwe vazoona nzvimbo nezvinhu zvakasiyana-siyana.

“Tinotenda kuti vemapoka aya vachadzokera kunyika dzavo voshambadza nyika yedu nenzira inonzwisisika kune vamwe vavo.”

VaKoti vanoti kukoka mapoka anoona nezvevashanyi ekunze idanho guru uye rinoendeka panyaya yekusimudzira kushanyirwa kwenyika ino.

“Ndivo vanhu vakakodzera kutishambadza sezvo vachikwanisa kutaura zvinhu nenzira inonzwisiswa nemisika yavo. Saka tine tarisiro huru yekuti chirongwa ichi chichabatsira zvakanyanya mukutiunzira bhizimisi,” vanodaro.

“Tange tine vari mubhizimisi rezvekushanyirwa vanosvika 25 vakabva kumusha vakauya kuno uye vakawana mukana wekushambadza nyika nekuita hurukuro nemapoka anoona nezvekushanya, donzvo riri rimwe chete rekusimudzira chikamu chezvekushanyira chenyika.”

VaKoti vanoti kushambadzwa kweZimbabwe pasi rose kwakakosha sezvo kuchienderana nehurongwa hwekudzoreredza chikamu chezvekushanyirwa uye izvi zvinotarisirwa kubatsira nyika mukuzadzikisa zvinangwa zvekuti indasitiri iyi ibure US$5 bhiriyoni panosvika gore ra2025.

“Mushure mechirwere cheCovid-19, zvakakosha kuti tiunze vashanyi kuZimbabwe avo vanouya vachiona maitiro edu ezvinhu emhando yepamusoro uye budiriro panyaya yekurwisa kupararira kwedenda iri.

“Saka tinotarisira kuti mapoka aya atange kuuya kuZimbabwe munguva pfupi iri kutevera, dzimwe nguva mukati memasvondo maviri anotevera zvichienderana nekuwanda kwebasa ravo,” vanodaro VaKoti.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey