Uncategorized

Mapurisa 179 vapedza zvidzidzo

01 Apr, 2019 - 16:04 0 Views
Mapurisa 179 vapedza zvidzidzo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MAPURISA 179  eZimbabwe Republic Police (ZRP) Support Unit nemusi weChishanu chino vakatambidzwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvinofambira nebumbiro remutemo wenyika mukubata kwavo basa nekuchengetedza runyararo.

Pamapurisa aya pane munhukadzi mumwe chete, uye vakaita zvidzidzo zvinosanganisira nhoroondo yeZimbabwe, bumbiro remutemo renyika, kurwisa vavengi, kushandiswa kwezvombo, kuchengetedza runyararo, kushandiswa kweredhiyo nekuziva nzvimbo dzakasiyana, pakati pezvimwe.

Vaive muyenzi anoremekedzwa, Officer Commanding Support Unit Commissioner David Mahoya, vanoti vanofara zvikuru kuti mapurisa aya akapedza zvidzidzo zvakanaka izvo zvichabatsira kuti vange vachibata basa nemazvo, zvikuru mukuchengetedza runyararo.

“Support Unit inozivikanwa nemukurumbira wekugona basa saka kuwedzerwa kweruzivo pakati pemapurisa kunobatsira zvikuru kuti  vakwanise kurwisa nyaya dzekuparwa kwemhosva munyika uye kuchengetedza runyararo. Tinofanira kushanda nemazvo zvekuti vanhu havafanire kusara vaine mibvunzo maringe nebasa redu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey