Uncategorized

Mapurisa shandai: Matanga

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Mapurisa shandai: Matanga

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MUKURU wemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP), Commissioner-General Tandabantu Godwin Matanga, vanoti zvakakosha kuti mapurisa ashande nesimba mukurwisa pamwe nekuderedza kuparwa kwemhosva munyika. Vakataura mashoko aya pamabiko ekupera kwegore ra2017 eZRP paPolice Golf Club, muHarare, vachiti mapurisa anofanira kuwanikwa kunzvimbo dzose dzenyika kuitira kuti vachengetedze runyararo nekudzivirirwa kuparwa kwemhosva.

“Chinangwa chedu semapurisa kuti ruzhinji rweZimbabwe rwuite mabasa pamwe nemabhizinesi rwakasununguka nekuziva kuti vakachengetedzwa kubva kumbavha nemhondi. Nyika inofanira kusava nekuparwa kwemhosva kwakanyanya, chero dzerudzi rwupi zvarwo.

“Izvi zvinokwanisa kukundika kana mapurisa akashanda nemazvo uye vachipinda munharaunda dzakasiyana-siyana vachisora nekuongorora senzira yekuderedza kuparwa kwemhosva,” vanodaro.

Comm-Gen Matanga vanoti hakuna nzvimbo muZimbabwe isingadi rubatsiro rwemapurisa mukuderedzwa kuparwa kwemhosva.

“Mhosva zhinji dzinomhan’arwa neveruzhinji ndedzechokwadi uye hadzisi dzekugadzirirwa. Mhosva idzodzo dzinokanganisa magariro evanhu munharaunda nenzira dzakasiyana.

“Zvakafanana nekubiwa kwezvipfuyo, kubatwa chibharo kwevanasikana nemadzimai chero kwevanhurume, mhirizhonga mudzimba, kupazwa kwedzimba nezvimwewo. Chero zvazvo mapurisa achibata nekusunga vapari vemhosva, veruzhinji vanoshuvira kuti mapurisa anofanira kushanda mukudzivirira kuparwa kwemhosva idzodzo.

“Zvava kureva kuti mupurisa anofanira kunge achiwanikwa pose-pose munyika kuti mhosva dzisaparwe zvakanyanya nekuti kuparwa kwadzo kuri kukonzeresa kuti vanhu varasikirwe nezvakawanda zvinosanganisira pfuma neupenyu,” vanodaro Comm-Gen Matanga.

Vanoti shuviro yavo ndeyekuona mapurisa achidyidzana zvakanyanya neveruzhinji mukurwisa kuparwa kwemhosva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey