Uncategorized

Marara anetsa muHre, Chitown

27 Jan, 2022 - 08:01 0 Views
Marara anetsa  muHre, Chitown Mai Rutendo Madziva vakabata girazi remvura yakasviba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MAKANZURU – zvikuru emumadhorobha nemaguta – anokurudzirwa kuti akoshese nyaya dzekutakurwa kwemarara munzvimbo dzinogara veruzhinji.

Izvi zvinotevera kuraswa kwemarara pose pose ayo anosanganisira mamasiki akashandiswa izvo zvine njodzi huru yekukonzera kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nesangano rinomirira vatori venhau reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) nenhengo dzinomiririra vagari veChitungwiza neHarare vachinzvera nezvematambudziko ayo vanotarisira kuti makanzuru agadzirise nechimbi-chimbi nechinangwa chekudzivirira kupararira kwezvirwere.

Mai Shyline Gumbeze, avo vanova nhengo yeHarare Residents Trust, vanoti dambudziko rekuwanda kwemarara ndiro ranetsa muguta reHarare.

“Munguva ino yekunaya kwemvura, marara aya anopedzisira ayeredzwa oenda kunovhara mwena inofanira kufamba nemvura. Ndiko kusaka mvura yava kungojenga pose-pose, kunyangwe pakati peguta.

“Marara emamasiki ari kuwanda uye haawori nyore saka mikana yekuti pwere dzianhonge dzichipfeka yakawandawo zvokozera kupararira kwechirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Mai Gumbeze vanoenderera mberi vachiti, “Mamwe emarara akadai semapamba (pampers) nemabulb vamwe vava kutoatora vachigadzira zvinodhaka saka dambudziko remarara rava kubereka mamwe matambudziko muvana vedu. Tiri kuchema kuti dai kanzuru yaedza napose painogona kutakura marara munharaunda ichiaendesa kunzvimbo dzakakodzera kuti nyika ive neutano hwakanaka.”

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Rutendo Madziva vanova nhengo yeHarare Residents Trust zvekare vachiti zvakakosha kuti vanhu vawaniswe mvura yemupombi uye yakachena nguva nenguva sezvo yakakosha panyaya dzehutsanana mukurwisa kupararira kweCovid-19.

“Mvura yakakosha zvikuru mukurwisa chirwere cheCovid-19 nekuti ndiyo inoshandiswa pakugeza maoko, zvimbuzi, kugeza mamasiki nezvimwe zvinoita kuti nharaunda dzigare dziine hutsanana,” vanodaro.

Mai Madziva vanoti kazhinji mvura yemupombi painouya, inenge yakasviba izvo zvinoisa utano hwavo panjodzi.

“Mvura iyi ndiyo yatinonwa, kubikisa, kuwacha nekuita mabasa ese emumba. Mumeso edu inoratidza seyakachena asi apo inodzikama tikatarisa pasi pegirazi tinoona yakasviba. Zvinhu zvinorwadza nekuti sevagari, tinobhadhara mitero yemvura tichitarisira kuti tiwaniswe mvura yakachena isina njodzi kuutano hwedu asi izvi ndozviri kuitika zuva nezuva. Tinosvika rinhiko tichitenga mvura dzemumabhodhoro asi tichibhadhara mitero kukanzuru zvekare?” vanodaro.

VaTaurai Matienga

VaTaurai Matienga vanova nhengo yeChitungwiza Residents Trust vanoti dambudziko rekushaikwa kwemvura yemupombi nekusatakurwa kwemarara idambudziko guru zvakare muguta ravo.

Vanoti zvisinei nekuti kanzuru yavo yakabva mukupihwa marori anotakura marara pasi pechirongwa cheHurumende chehomwe yeDevolution Fund, marara haazi kutakurwa nenguva.

“Panoda ongororo yakasimba kuti makanzuru aite mabasa avo nemazvo. Izvozvi motokari dzakauya dzekutakura marara asi vava kuti havana mafuta edzimotokari saka nguva nenguva havashayi zvikonzero zvekusaita basa.

“Mvura chaiyo vazhinji havachaizivi papombi dzavo, vava kungopona nekutenga kune vakachera zvibhorani asi zvibhorani zvacho imhosva zvekare kuzvichera. Vanhu vari kuswera vakaungana pazvimborani vachitsvaga mvura saka Covid-19 ingapera sei pakadai?” vanodaro.

Zvichakadai, kanzuru yeHarare neyeChitungwiza vanogara vachitaura nguva nenguva kuti vari kuedza nepose pavanogona kugadzirisa matambudziko akatarisana nevagari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey