Marshall Munetsi ari kupisa

03 Apr, 2023 - 16:04 0 Views
Marshall Munetsi ari kupisa Marshall Munetsi

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI weStade de Reims nemaWarriors eZimbabwe, Marshall Munetsi, akanwisa nemusi weSvondo wadarika apo chikwata chake chakakunda Nantes 3-0.

Munetsi akanwisa mutambo watambwa maminitsi 58 apo chikwata chake chaitungamira 2-0.

Kunwisa kwaakaita nemusi weSvondo kaive kechitanhatu mwaka uno.

Nerimwewo divi, kuhwina kwakaita chikwata chake kwakachiona chichisimuka palogo reFrench Ligue 1 izvo zvabva zvaita kuti chigare pechinomwe, chiine mapoinzi 46 kubva mumitambo 29 yachatamba mwaka uno.

Reims iri kurwira kupinda mumitambo yemuEurope yemwaka unotevera uye ikaramba ichihwina mitambo yasara, ine mukana mukuru wekupinda mumitambo iyi.

Matambiro ari kuita Munetsi anogona kumubatsira kuti atengwe nezvikwata zvikuru zvemuEurope mwaka unotevera.

Mwaka uno usati watanga, Munetsi aidiwa neBrighton & Hove yekuEngland kuti agotsiva Yves Bissouma uyo ainge atengwa neTottenham Hotspur achibva kumaSeagulls.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey