Uncategorized

‘MaSanctions atitambudza

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
‘MaSanctions atitambudza Cde Hoyini Bhila

Kwayedza

Malven Mugadzikwa naAbel Ndooka

ZVIZVARWA zveZimbabwe zviri kumativi ose enyika zvinoti zvakakosha kutaura nezwi rimwe chete kuti zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo izvo zvakatemerwa nyika ino zvibviswe sezvo zviri kukonzera kutambura kukuru.

 

Musi weChishanu chino, Zimbabwe ichabatana nedzimwe nyika dziri mudunhu reSadc mukutaura neizwi rimwe chete kuti zvirango zvisiri pamutemo izvo zvayakatemerwa nenyika dzekumadokero zvibviswe.

 

Vatungamiriri venyika dziri muSadc –  pamusangano wavakaita kuTanzania munaNyamavhuvhu gore rino – vakatara musi wa25 Gumiguru sezuva richabatana nyika dzose dziri mudunhu iri mukutaurira nyika dzekumadokero kuti dzibvise zvirango zveupfumi izvi.

Kwayedza inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana pamusoro pezvirango izvi.

Cde Hoyini Bhila vanoti semumwe wevarwi vehondo yerusununguko rweZimbabwe, chinangwa chavo chaive chekusunungura nyika ino kubva kuhutongi hwevachena kusanganisira munyaya dzeupfumi.

Vanoti hondo yasara ndeyekurwira kugadzirisa upfumi hwenyika.

Cde Bhila vanoti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zviri kukanganisa zvakanyanya kufamba kwemabhizimisi muZimbabwe.

“Nyika ino takairwira nekuisunungura tichida kuti upfumi hwayo pamwe chete neupenyu hweveruzhinji huvandudzike. Pari zvino kune vamwe vedu vemuZimbabwe vari kuenda kunyika dzekunze vachinokumbira masanctions kuti ruzhinji rweZimbabwe rwutambure.

“Chero varimi havachakwanisi kutengesa zvirimwa zvavo kunyika dzekunze nekuda kwemasanctions. Zvicherwa zvedu izvo zvinova hwaro hweupfumi hwenyika hazvisi kutengwa kunze. Izvi zviri kukonzereswa nemasanctions uye hatina kwatinowana mari yekunze yakawanda kuti tisimudzire nyika yedu,” vanodaro Cde Bhila.

VaErnest Mucha vanoti zvirango zveupfumi zvadzosera kumashure budiriro yeZimbabwe.

Vanoti zvakakosha kuti mhuri yeZimbabwe ibude nehuwandu hwayo nemusi weChishanu mukurwisa zvirango izvi.

“Kune vakawanda vasingazivi kuti masanctions anomborevei kunyika yedu. Makambani edu mazhinji akatovhara nekuda kwemasanctions. Izvi zvaita kuti veruzhinji varasikirwe nemabasa. Pari zvino vazhinji vazara mumigwagwa vachiita zvekutengesa nekuda kwekushaikwa kwemabasa munyika.

“Kune dzimwe nyika dzakatemerwa zvirango izvi dzisina upfumi hunofamba zvakanaka asi havana kuramwa nyika dzavo, vakaramba vachishingirira uye vari kutsvaga nzira dzekupedza matambudziko ari kuwedzerwa nemasanctions,” vanodaro.

Kuchiti Mai Doreen Shereni vanotiwo nyaya yezvirango ine chekuita nemakaro evamwe vari mune zvematongerwo enyika.

Vanoti kukumbira kuri kuita vamwe vevanhu ava kuti zvirango izvi zvirambe zviripo mucherechedzo mukuru wekuti kune vamwe vemuZimbabwe vanoda kusimukira nekutambudzika kweveruzhinji.

“Masanctions akaenda kunokumbirwa nevane makaro ekuda kuva pazvigaro zvepamusoro munyaya dzematongerwo enyika. Uhu hunhu hwakashata nekuti vanenge vachida kusimukira nekutsikirira veruzhinji,” vanodaro.

Nomsa Marimo anoti veruzhinji vanofanira kuratidzira kuti zvirango izvi zvibviswe sezvo zviri kukanganisa raramo yevanhu vose vemuZimbabwe.

“Muno muZimbabwe mamwe makambani akavhara vanhu vakasara vasina mabasa ndokubva vabuda kuenda kune dzimwe nyika.

 

‘‘Vamwe vacho vari kubatwa senhapwa kunze kwenyika ikoko asi nyika yedu tiinayo. Kuvhurwa kwemakambani kunovapo chete kana masanctions abviswa. Ndiri kuti vana veZimbabwe ngavaende nehuwandu kunoratidzira kuti havasi kuda zvemasanctions, zviri kutikanganisa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey